Uncategorized

Akagocherwa makuhwa

29 Jul, 2016 - 00:07 0 Views
Akagocherwa makuhwa

Kwayedza

Alice Munyoro achiratidza maronda aanonzi akapiswa nebota raikwata naNetsai Neta uyo aimupomera makuhwa. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

Alice Munyoro achiratidza maronda aanonzi akapiswa nebota raikwata naNetsai Neta uyo aimupomera makuhwa. — Mufananidzo: Muchaneta Chimuka

MUKADZI wechidiki wekuChitungwiza ari kuyuwira nemaronda mushure mekupiswa nebota raikwata nemuvakidzani wake uyo aimupomera makuhwa. Netsai Neta (27), wepanhamba 3465 Unit D, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts akatarisana nemhosva yekupisa nebota raikwata Alice Munyoro (32), anogara pa3272 Unit D, kwakare kuChitungwiza.Mutongi wedare Takunda Mutetwa akati Neta adzoke kudare nomusi wa3 Nyamavhuvhu apo kutongwa kwenyaya iyi kuchaenderera mberi.

Neta ari kutongwa achibva kunze.

Muchuchisi Tatenda Mukatera akaudza dare kuti nomusi wa23 Chikunguru munguva dzemasikati, Neta akashanyira mumhan’ari pamba pake nechinangwa chekuti amubvunze nezvemakuhwa ayo aiti akataura mumazuva adarika.

Munyoro anonzi akamupindura achiti haana ruzivo nezvemakuhwa aya. Pakarepo, Neta anonzi akabva atora poto yakange iine bota raikwata pachitofu achibva amudira muviri wake zvikaita kuti akuvare zvakanyanya pabendekete, pahuro neparuwoko.

Pakapinda nyaya iyi mudare nomusi weChipiri svondo rino, Neta akati akange agara mumawoko memapurisa kwemazuva matatu nyaya yake isati yatongwa, izvo zvakaita kuti mutongi amupe bhero zvichifambirana nemutemo unoti vasungwa havafanire kuvharirwa nemapurisa kwemaawa anodarika 48 vasati vaendeswa kumatare.

Neta ari kubvuma mhosva yake uye akange akavharirwa pamwe chete nevana vake vaviri avo akapinda navo mudare.

Munyoro akakumbira dare kuti aende kunorapwa achiti ari kurwadziwa zvikuru.

“Ndinokumbirawo kuti ndinorapwa nekuti ndiri kurwadziwa,” akadaro Munyoro.

Mutongi Mutetwa akati aikwanisa kunorapwa uye zvaizobatsira kuti dare rizive hudzamu hwekukuvara kwake kubva kumachiremba kuti rizopa musungwa uyu mutongo wakakodzera.

“Wakasununguka kuenda kunorapwa asi ugouya nemagwaro ekwachiremba ayo atichashandisa mudare seumboo,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>