Akaita bofu amonerwa nenyoka

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Akaita bofu amonerwa nenyoka

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MUKADZI anogara kuChitungwiza, anoti nguva ichangodarika akamonerwa muviri wake wose nezinyoka — iro raasina kukwanisa kuziva rudzi rwaro — zvikaita kuti asare ave bofu.

Izvi zvisati zvaitika, mudzimai uyu anoti mwanakomana wake — uyo ave negore rimwe chete rekuberekwa — akambotanga amonererwa zvakare nenyoka yakazongotsakatika apo vaive kumusha kwavo kuMuzarabani.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mwana uyu anonzizve rimwe zuva akashaikwa mumba maaive arere kuma2 masikati ndokuzowanikwa rechimangwana racho ari kumahombekombe kwerwizi rweko urwo rwainge rwakazara nemvura.

Mai Everjoy Muchefa Demera (52), avo vanogara panhamba 18633, kuUnit L, vanoti vakamonerwa nezinyoka iri apo vaidiridza mubindu ravo.

“Inyaya inoshamisa zvikuru yakaitika kwandiri. Ndakakura ndichiona zvakanaka ndikabereka vana vangu vose ndisina dambudziko remaziso.

“Dambudziko rakazouya manje-manje apo ndaidiridza mubindu. Zinyoka rakangondisunga makumbo ndokukwira kusvika muchiuno nepadumbu kudzimara ndakashaya zvekuita.

“Ndakangoti pangu papera, ndave kufa apo ndairwisa. Nyoka iyi yakazondipfutunura ndikabva ndangoishaya kwayakaenda nako,” vanodaro.

Mai Demera vanoti pane vamwe varume vakaona chiitiko ichi asi vakangotiza.

“Nyoka iyi payainge yakandisunga, ndainzwa kurira kwehosho nembira zvisinei kuti hosho idzi ndaisadziona. Asi musoro wayo, kunyangwe payaiva yakandisunga, handina kumbouona.”

Zinyoka iri, vanodaro Mai Demera, paraive rakavamonerera raitonhora zvikuru uye muviri waro waiva munyoro, uchiita seunobuda mvura.

“Ipapo maziso angu akabva avharika, kuita chadzimira sezvinoita munhu adirwa mhiripiri kana fodya kumeso. Ndiko kutanga kwakaita hupofu hwangu.

“Machiremba echiRungu aedza kundibatsira. Ndakavhiiwa maziso kaviri pasina chinobatsira,” vanodaro.

Vanoti vazamawo kutsvaga rubatsiro kun’anga nemaporofita asi hapana shanduko.

Mai Demera vanoti mazuva atanga hupofu hwavo, vaiona zvemadzerere kuzosvikira vaita bofu.

Vanotizve musi wavamonerwa nenyoka iyi, zuva rechimangwana racho vaionera nechekure apo vakaonazve zinyoka iri rakaita murwi kunge hata mubindu ravo asi musoro wacho havana kuuona uye rakazongotsakatika.

Vanoti mwana wavo akambomonerwawo nenyoka apo aive akarara pamubhedha kumusha kwavo kwaSabhuku Chibaya, kwaKasekete, kuMuzarabani, uko vakazotama.

“Ndakapinda mumba ndikawana mwana pamubhedha akamonerwa nezinyoka iro raimunanzva ndichibva ndatizira panze ndichichema nekushevedzera. Patakazodzokera mumba nevamwe varume vainge vakabata mazibonza vachida kurova nyoka iyi, takawana isisimo, mwana asara. Takaitsvaga tikaishaya,” vanodaro.

Vanoti mwana uyu musi wakare vakazomushaya mumba kuma2 pm mvura ichinaya zvikuru ndokushamiswa nazvo sezvo aisakwanisa kufamba.

“Takatsvaga mwana kuchinaya nekurwizi rwaKadzurure urwo rwaiva rwuzere uye takarara tisingazive kwaaiva kusvikira takazomuwana rechingwana racho ari kumahombekombe asi ari mupenyu,” vanodaro.

Murume wavo, VaAlbert Nhamo Demera (61), vanotsinhira nyaya iyi vachiti zvakaitika kumudzimai wavo manenji chaiwo.

“Ini semunhu anotyaira mabhazi, izvi zvakaitika ndiri kubasa ndokufonerwa ndichiudzwa nyaya iyi. Ndakazouya ndikawana chokwadi, mudzimai wangu ava bofu.

“Kusvikira nanhasi uno, mari yapera tichifamba kuti dzimwe nguva tingabatsirwe. Takatomboenda kuna Sekuru Bonface Katerere tichitsvaga rubatsiro mushure mekunzwa kuti vakasvinudza mbavha huru, George Gambe,” vanodaro VaDemera.

Sekuru Katerere vanoti chakamonera Mai Demera haisi nyoka semafungiro avo, asi kuti mishonga yemadunwa yaive yakagadzirwa neivhu rakatorwa kumakuva.

“Tinongoti vavengi, varoyi vakavatumira zvinhu izvi zvatingati nedzimwe nzira zvizhwa zvakavarova. Zvaida kuti vafire panzvimbo asi Mwari wavo nemidzimu vakaramba,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links