Akaita chinamira Pamota yabishop. . . achida kubhadharwa chikwereti

01 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

VANHU vaive panzvimbo yemabhizimisi yekwaDzumbunu, kwaNyamweda, kuMhondoro, vakaona bhaisikopo remahara nguva pfupi yadarika apo motokari yaive nemumwe bhishopi wechechi yekwaMwazha kana kuti African Apostolic Church yakavhetemeswa mushure mekunge pabhoneti rayo panamira mumwe murume nenyaya inonzi ndeye chikwereti.

Nyaya iyi yakaitika mumaziso emutori wenhau uno apo bhishopi nemurume uyu vakasangana panzvimbo ine chitoro nebhawa, cheGreen Valley, ndokutadza kunzwisisana.

VaRanganayi Hwande ndivo vakasvetukira pabhoneti remotokari yerudzi rweToyota yaiva naBishop Solomon Ganyi, vachinzi vaida $26 yemudzimai wavo, Faresi Yonesi, kubva kuna bhishopi.

Yonesi anonzi akaita basa rekutanha maguni efodya kupurazi raBishop Ganyi rinonzi Brenchin.

Apo VaHwande vakaona Bishop Ganyi vari mumutokari yaityairwa nemumwewo murume, uyo asina kuzivikanwa zita rake, vakabva vatanga kupopota vachiti vaida mari yekushanda kwakaita mudzimai wavo.

Pasina nguva vakabva vasvetukira pabhoneti remotokari iyi, iyo yakavhetemeswa nemukati mezvitoro yakananga kumugwagwa unobatanidza Harare neMhondoro.

VaHwande vakabva vaita hwekatsi ndokuramba vakabatirira pabhoneti remotokari.

Chinhambwe chakamhanyiswa motokari iyi apo VaHwande vaive vakanamira pabhoneti chinogona kusvika mamita zana.

Pakamiswa motokari iyi, VaHwande vakatanga kupopota vari pabhoneti payo vachitukidzira nezvinyadzi vachingoti vaida mari yemudzimai wavo.

“Munhu wabhishopi asinganyare, kukudza dumbu mahara achiramba kupa mudzimai wangu mari,” vakadaro VaHwande vachidya marasha.

Kwayedza yakazotaura naBishop Ganyi avo vanonzi vanotungamira chechi kumatunhu anoti Beatrice neMhondoro, ndokubvuma kuti vaive nechikwereti chemudzimai waVaHwande chekushanda kwaakaita kupurazi ravo.

“Ichokwadi mukadzi wake akandishandira kupurazi kwangu, ndine US$25 yake. Ndakamuti ndichamupa, izvozvi mari ndinayo muEcoCash asi pano paDzumbunu ndashaya mari.

“Aizve, zvino mungada kuburitsa nyaya yakadaro here mukoma isina basa?” vakadaro.

Bhishopi ava vakazobuda mumotokari iyi apo VaHwande vaive vakagara chete pabhoneti uye chaunga chevanhu vaungana, ndokuzonotora $25 paEcoCash pane chimwe chitoro kwaChigora munzvimbo imwe chete iyi vakasvikogashidza mari iyi kumurume uyu.

Mushure mekupihwa mari iyi, VaHwande vakabva vadzika kubva pabhoneti mutyairi wemotokari ndokuivhetemesa achibva panzvimbo iyi.

Vamwe vanhu vaivepo vakarumbidza VaHwande nechivindi chavo zvisinei kuti vakange vaisa upenyu hwavo panjodzi pavaive vakarembera pabhoneti apa.

Share This:

Sponsored Links