Uncategorized

Akajutwa $300 ‘nemushandi’ weZesa

14 Apr, 2017 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUDZIMAI anoshanda semuuto akagurwa kunorira nemumwe murume uyo ainyepera kuti anoshandira kukambani yemagetsi yeZesa Holdings apo akabirwa $300 mushure mekuvimbiswa kuti aizogadzirirwa magetsi epamba pake.

Wellington Masona (43) wepanhamba 14304 Unit O, kuChitungwiza, akamiswa mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts ndokubatwa nemhosva yekutsotsa Wadzanai Garabha (46) wepanhamba 34803 Unit G, kuChitungwiza kwakare.

Mutongi wedare iri – Oliver Mudzongachiso – akapa Masona chirango chekugara mujeri kwemwedzi mitatu ndokuzoisendeka yose parutivi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira mumhan’ari mari yake kuburikidza nekuiendesa kwamabharani wedare iri.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti rimwe zuva mumwedzi waNyamavhuvhu 2015, Masona akaenda kumba kwemumhan’ari achimunyebera kuti iye mushandi weZesa uye akange anogadzirisa tambo dzemagetsi izvo zvaida kuti abhadhare $300 yebasa iri.

Garabha akabva abhadhara mari iyi mushure mekunge amuona akapfeka mbatya (work suit) sedzinopfekwa nevashandi veZesa. Masona akazobva pamba paye achivimbisa kuti achadzoka achipedzisa basa rake pazuva rimwe chete iri asi akabva angoita museve waenda neuma, ndokuenda zvachose.

Mumwedzi waMbudzi 2015, mumhan’ari akazofunga kuenda kumahofisi eZesa kunobvunza achibva audzwa kuti Masona haasi mushandi wavo, zvikaita kuti amumhan’arire kumapurisa.

Garabha akaudza dare kuti aida mita yemagetsi, nokudaro akaudzwa nemumwe waanoshanda naye kuti Masona aigona kumubatsira.

“Mumwe wandinoshanda naye ndiye akandipa nhamba dzefoni dzaMasona achiti anomuziva semushandi weZesa ndichibva ndamufonera akauya kumba kwangu akapfeka work suit yeZesa. Saka mushure menguva refu asina kuunza mita kana kudzora mari yangu, ndakaona zvakakodzera kuti ndimumhan’arire uye kuZesa ndakaenda vakanditi havana mushandi akadaro,” anodaro.

Masona akabvuma mhosva yake pasina kupedzera dare nguva.

Share This:

Sponsored Links