Akamukira kuchipatara afenda nekutukwa

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Akamukira kuchipatara afenda nekutukwa

Kwayedza

Sandy Musungata
MUMWE mwana wekuDomboshava anonzi akatukwa nasekuru vake, hanzvadzi yaamai, kusvikira afenda ndokutozonomukira kuchipatara cheMakumbe Mission Hospital. Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Edith Murove akamhan’arira hanzvadzi yake Onward Murove achiti ari kumushungurudza pamwe chete nevana vake.

“Changamire, hanzvadzi yangu kubva zvakafa vabereki vedu iri kundishungurudza ichiti ndibve pamba. Takataurirana semhuri kuti pamba panogarwa nechero mwana anoda kugarapo asi iye ava kundidzinga achiti pamba pake.

“Anondituka kuti ini nevana vangu tisu tiri kuzadza ‘toilet’ saka anotirambidza kuishandisa uye anongogara achingondituka kuti ndakaroorwa nerombe saka ndichafa ndiri rombe.

“Mumwe musi akatuka mwana wangu akafenda ndokuzonomukira kuchipatara chekwaMakumbe, kuDomboshava kwatinogara. Anoda kungogara achishandisa vana vangu zvehutsinye zvekuti mumwe musi akakwidza mwana wangu ane makore matanhatu pamusoro pemba achiti atambire zvidhinha zvaaida kuvakisa,” akadaro Edith.

Onward akaudza dare kuti hanzvadzi yake iri kumunyepera achiti haaite hutsinye hwakadaro.
“Hanzvadzi yangu iri kundinyepera, handingaite zvinhu zvakadaro kwaari. Pamba handina kumbomudzinga nekuti handina masimba iwayo, musha ndewevabereki. Bindu rakasiiwa takatodamburirana tiri vapfumbamwe saka hapana pandingambomudzinga,” akadaro Onward.

Mutongi Ruth Kamanira akapa gwaro rekuti Onward asadzinge hanzvadzi yake pamba achiti hapasi pake asi kuti ndepevabereki saka mwana wose ane mvumo yekugarapo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links