Uncategorized

Akandicheka nebanga pahuro kudai . . .

24 Jul, 2014 - 10:07 0 Views
Akandicheka nebanga pahuro kudai . . .

Kwayedza

“AKANDICHEKA nebanga, kundibata kundicheka nebanga kudai! Ndakamubvunza kuti shamwari unondiurairei akati ifa, hauna basa. Nhasi uno ndafa ndadzoka asi ave kundiramba, asi ndiye akandiuraya. Ndinoda kuripwa nemukadzi, handidzokere kumusha kwaMachaya ndisina mukadzi!”

Izvi ndizvo zviri kutaurwa nemukadzi ari kubatwa nemweya wengozi wemumwe murume aiva mukuru wechikoro uyo akafa achiita zvekupondwa. Apa mukadzi uyu ainge achisvimha misodzi achichema apo aiita seari kuzvicheka nebanga pahuro.

Onai vhidhiyo inotevera

Mweya wengozi uri kutaura pamukadzi wemuridzi achiri wechidiki wekwaShe Mujinga, kuHurungwe uyu unonzi ndewemurume aiva mukuru wechimwe chikoro, uyo akapondwa ndokubviswa nhengo dzakavandika mugore ra1979. Uri kutaura kuti haubve dakara paripwa nemunhukadzi, mombe nemari.

Mushakabvu Kapuru Murandakumwe Machaya anonzi aiva mukuru wechikoro cheChinhere Primary School, icho chiri kwekare kwaMujinga uye anonzi akapondwa nemumwe murume wemhuri yekwaMukumba achibatsirana nevamwe vanhu.

Mukuru wechikoro uyu anonzi akapondwa achiitwa zvekuchekwa mutsipa, musoro wake ndokudamburwa uye chitunha chake ndokubviswa nhengo dzakavandika. Mutumbi wake unonzi wakazokiirwa muimba yake yekubikira kwemazuva kusvika wazoonekwa.

Makore 35 mhosva iyi yaparwa, mweya wengozi wave kusvika pamwanasikana wemhuri iyi, Beatrice Mukumba (26), uchiti unoda kuripwa nemhandara uyo anonobereka vana kumusha kwemufi.

Mweya uyu wakabata mudzimai wechidiki uyu, munhu ndokukararadza achisvimha misodzi Kwayedza ichiona.

Mweya wacho uri kuti “ndakapondwa na(zita rehama yaBeatrice)” uyu unoti mushakabvu akafa achiita zvekuchekwa nebanga nemunhurume wemumhuri yaMukumba, uyo anonzi mupenyu uye ari kubvuma nyaya iyi.

Baba vemwana ari kusvikirwa nengozi iyi, VaChanetsa Mukumba (56), avo vanogara kuTengwe, kuKaroi uko kwavave nemwanasikana uyu nemukuwasha, vanoti vaoneswa pfumvu nengozi yavanoti yakakoromorwa nehama yavo iyi.

Beatrice haasina kugarisana zvakanaka nemurume ainge akamuroora nekuda kwemweya uyu sezvo dzimwe nguva achinzi anomboita sekunge iye murume pachake.

“Mweya uyu wakatanga kusvika pamwana uyu makore 15 akadarika, uchitaura kuti ndewa Machaya uyo anoti akapondwa nemukoma wangu. Kusvika izvozvi ndatengesa mombe 27 ndikashandisa mari inokwana US$13 000 kuedza kurapisa mwana uyu zvichiramba.

“Mweya wacho uri kuti unoda kuripwa nemukadzi anoendeswa kumusha kwemufi,” vakadaro VaMukumba apo Beatrice ainge achibidirika akaputirwa nemweya.

VaMukumba nemhuri yavo vari kugara papurazi reAldonyo, kuchiti hama yavo iri kupomerwa kupara mhosva iyi ichigara kwaMujinga.

“(Zita reanonzi akaponda) ihama yangu chaiyo mwana wababa vangu, takasiyana kwaamai chete. Nyaya iyi yakapinda mudare raShe Mujinga, mwana ari kusvikirwa nemweya uyu akasvika kurova (zita ranyakunzi akaponda) mudare achinzi asarambe. Akabvuma kuti akaponda, mweya uyu ukamutaurira kuti waida mukadzi kubva mumba make wekunoripa,” vakadaro baba vaBeatrice.

Murume ari kupomerwa mhosva iyi uyu anonzi akabvisa mombe ina kudare iri, mbiri dzedare rashe nembiri dzekubvuma mhosva.

“Dzinza redu rose hapana asingazvizive kuti (zita ranyakunzi akaponda) ndiye akaponda Machaya. Ini sababa vemwana ari kubatwa nengozi ndiri kuda kuti tiripe nekukurumidza kuti mwana wangu agare zvakanaka asi iye (zita ranyakunzi akaponda) ari kudzokera kumashure.

“Mwana wangu haachagara zvakanaka nemurume wake uye vana vake Beatrice vanongofa achiitwa maoparesheni pakusununguka,” vakadaro VaMukumba.

Beatrice ane mwana mumwe chete, vaviri vakafa uye akabva pamiviri katatu. Pari zvino anonzi akazvitakura.

Kwayedza payakasvika kuTengwe, Beatrice akabva angobatwa nemweya wengozi ukatanga kutaura.

“Ini ndinonzi Machaya, ndakauraiwa na(zita ranyakunzi akaponda) Mukumba. Maiwe-e, makandiuraira chii?

Akandicheka mutsipa nebanga akandibvisa ma****** angu. Handibve pano kana ndisina kupihwa mukadzi, handibve pano mhani! Makandiuraire chii? Ndinoda kuripwa? Varume itai mugadzirise nyaya iyi. Endai munotaura naVaMujinga ndakavasvitsa nyaya iyi,” wakadaro mweya uchitaura pana Beatrice.

Mukadzi uyu akatanga nekupunzika apo vatori venhau vakasvika ndokuzotanga kutaura achichema nekuimba.

Nyakupomerwa kuponda anonzi akapara mhaka iyi senzira yekuvhara mhosva yekubata aiva mudzidzisi pachokoro chaitungamirirwa naMachaya chibharo.

Machaya anonzi musi waakapondwa akabva kudoro ndokusvikoziviswa nezvenyaya yechibharo iyi, achibva ati aida kunomhan’ara kumapurisa. Izvi zvinonzi ndizvo zvakaita kuti apondwe.

Zvakadai, kudare raShe Mujinga, murume wekunzi akaponda uyu anonzi akavimbisa kuti aizoendesa muzukuru wake, anova mwana wemwanakomana wake kumhuri yaMachaya kunoripa ngozi iyi. Asi iye murume uyu anonzi ane vanasikana vake vaviri avo akatizisa kunogara kuHarare nekuda kwekuti haasi kuda kuvaendesa kunoripa mhosva sezviri kudiwa nemweya.

Beatrice anoti anorota achitaura naMachaya uyo anouya kwaari akapfeka sutu uye ari kuchikoro, achiimbisa vana.

Mumwe mwana wanyakupomerwa kuponda mukomana, uyo anonzi ari kurwarawo nepfungwa izvo zvakaita kuti atizwe nemukadzi.

“Kune vakabatsirawo kuponda kune mwana mukomana anomhanya achitevedzera kutamba bhora zvaiitwa naMachaya sezvo aiva nyanzvi yebhora iro airairidza pachikoro. Kune redhiyo inorira yoga pamba apa sezvo vanhu ava pavanonzi vakauraya Machaya vakavhurisa redhiyo pamusoro kuti kuchema kwake kusanzwike ndokubva vatakura redhiyo iyi, bhasikoro, masheets nezvimwewo,” vakadaro VaMukumba. Amai vaBeatrice, Dorothy Zveuka Mukumba (48), vakati vatambura nemweya uri pamwanasikana wavo.

“Mwana wangu haachagara zvakanaka nemurume wake. Beatrice ave kunhuhwirwa nemurume nekuti iye anozviti murume nekuda kwemweya wengozi wemunhurume uri kumubata,” vakadaro amai ava. Hanzvadzi yaBeatrice, Nisson Mukumba (19), akati havambofa vakaita mufaro kusvikira ngozi iyi yaripwa.

“Ndinokurudzira hama dzedu kuti tibatane, tiripe ngozi iyi nekuti hazviperere pana Beatrice chete, zvichapambira kune vanhu vose,” akadaro Nisson.

Dare rakaitwa kwaShe Mujinga nekuda kwenyaya iyi rinonzi rakapindwa nemhuri yekwaMachaya neyekwaMukumba. Vamwe vanonzi vaivapo vanosanganisira Chanetsa Mukumba, John Mukumba, Vote Mukumba, Tenhedza Mukumba, Beatrice Mukumba naDorothy Mukumba.

Mombe mbiri dzekuripa dzakabviswa nanyakupomerwa kuponda dzinonzi hadzisati dzaendeswa dakara dzakwana.

Asi mamwe mashoko anoti pamusoro memhandara, ngozi iyi iri kuda kuripwa nemombe 60.

Vemhuri yekwaMachaya vari kubvuma kuti kune nyaya yakadaro iri kuitika. Justice Machaya (40), uyo anova mwanakomana wemufi, anoti vemhuri Mukumba vari kuuya kwavari vachiti vanoda kuripa.

“Ichokwadi baba vakapondwa apo vaiva pachikoro pavaitungamirira, amai ndokuzofa zvavo nekurwara gore rakapera paseri. Mweya wababa wakabuda, uri kurwisa vemhuri yakaponda uye vakatanga kuenda kuna sekuru vedu, Banabas Siyamufinya.

“Vanhu ava ndakazoenda navo kuMhangura kuna babamudiki, Acmus Machaya, nekuna tete kuMakonde apo takazoenda kwaShe Mujinga munaApril (Kubvumbi). Nyaya iyi yakanotaurwa kukawiriranwa kuti varipe sezvinodiwa nemweya.

“Asi dambudziko riripo hapana anoda kutora mukadzi wengozi uyu, tingatoda kuripwa zvedu nemombe nemari nemimwewo midziyo kwete mukadzi. Hamheno ivo babamudiki nevamwe, asi ini handidi,” akadaro Justice.

Ishe Mujinga vakatsinhirawo kuti nyaya iyi yakapinda mudare ravo.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura neari kunzi ndiye akaponda Machaya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey