Akanorasira kasvava pachitoro

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Akanorasira kasvava pachitoro

Kwayedza

nyundoShamiso Kufaruwenga
MUKADZI wekubva kuMasvingo ndokunorasira mwana wake kasvava pane chimwe chitoro chiri kuBeatrice, akatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu.Muchuchisi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Ntombikayise Nleya, akati Cecilia Mabasa, wemubhuku raRupuu, kwaMambo Nckinga, kuZaka nerimwe zuva akakwira bhazi nekamwana kake kaiva nemwedzi gumi yokuberekwa. Akasvika nako kuBeatrice uko akati aida kunoona tete vake.

Anonzi akasvikoshaya tete ava ndokubva aenda pedyo nechitoro cheBeatrice Egg Shop apo akarasa kasvava aka ndokukwira bhazi raienda kuHarare. Mushandi wepachitoro ichi ndiye akazoona mwana uyu ndokumhan’ara nyaya iyi kumapurisa, ayo akazoferefeta kusvikira Mabasa asungwa.

Pakumira kwaakaita mudare, Mabasa akabvuma mhosva yake. Akati baba vemwana uyu vakanochonera kuJoni (South Africa), nekudaro zvainge zvomuremera zvinova zvakamutuma kurasa kasvava aka.

“Upenyu hwangu hwakatooma, handina anondiyamura ndokusaka ndakaenda kwatete ndichida ruyamuro. Ndakawana pasina munhu pamba apa, ndokuzoita sarudzo yandakaita,” akadaro Mabasa.

Mutongi Timeon Makwande akati kurasa mwana hachisi chinhu chiri nyore, huroyi uye vamwe vanhukadzi vari kuramba vachienderera mberi nekatsika aka. Nokudaro Mabasa akanzi adye refovhoro kwemakore matatu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey