Uncategorized

Akanwiswa ropa kumakuva

20 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Akanwiswa ropa kumakuva

Kwayedza

. . . nevanhu vainge
vakapfeka mbikiza

KAKOMANA kane makore 15 okuberekwa, ako kanogara nevabereki vako kwaChinhamora, kuDomboshava, kanoti nguva ichangodarika kakatorwa husiku nevanhu vatanhatu avo vanofungidzirwa kuti varoyi apo kainge karere mumba, ndokuendwa nako kumakuva, uko kakanomanikidzwa kunwa ropa rainzi ndere vanhu vakafa.

Vanhu ava — vakadzi vatatu nevarume vatatu — vainge vakapfeka mbikiza kana kuti zvimbatya zvakaita kunge marengenya.

Nechinangwa chekumuchengetedza, mwana uyu tichangomuti Nhamo (15) asi achigara mubhuku raChimbambaira, kuPote.

Nhamo anonzi aiva arere nevamwe vana vatatu apo akangonzwa oshevedzwa zita rake iye ndokudaira.

Anoti mushure mekushevedzwa uku, akabuda mumba maaiva, umo maiva makakiiwa, apo akaerekana ava panze ndokutakurwa nevanhu vasina kuzivikanwa vakaenda naye kunosvika kumakuva kwaiva nemakate aiva azere ropa, iro akazonwiswa riri mbishi.

Kumakuva kwakaendeswa mwana uyu chinhambwe chinodarika makiromita gumi kubva pamba pevabereki vake.

Mushure mechiitiko ichi, Nhamo anonzi ave kuti kana arere mumba husiku, anozongoerekana ave panze asi pamusiwo paanobuda napo panenge pakakiiwa.

VaRichard Tsvekesu (41), avo vanova baba vaNhamo, vanoti vanzwa nekufamba mumaporofita nekun’anga vachitsvaga kubatsirwa padambudziko rakawira mwana wavo iri.

“Mwana wangu akangonzwa zita rake richishevedzwa nevanhu vaiva panze husiku kunzi, ‘Nhamo! Nhamo buda tiende, hande!’ Iye anoti akabuda ndokuona ava pamusiwo kuti aisava neshangu.

“Anoti akaita chadzimira ndokuzoona ava kumakuva nevanhu vatanhatu — varume vatatu nevakadzi vatatu. Vanhu ava anoti vaiva vakapfeka zvimbikiza zvitema nengundu mumisoro asi vakavhara kumeso sezvinoitwa nezvigure uye vakasiya mhuno nemiromo bedzi pachena,” vanodaro VaTsvekesu.

Vanoti Nhamo akashevedzwa kuma10 dzehusiku uye panguva iyi ivo VaTsvekesu vaiva varere kune imwe imba nemudzimai wavo asi hapana chavakanzwa.

“Ini navadzimai vangu, Ntokozo Dube (37), taiva tirere mumba medu. Pakabuda mwana hatina kumbozviziva. Takazongoshaya mwana ave mangwana acho, tichibvunza vamwe vake vanoti havana kumbomuona kuti akabuda achienda kupi isu ndokutanga kumutsvaga,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Mwana uyu aita chadzimira kudaro, anoti akazopepuka ari kumakuva ekuRunhanga, padyo neDomboshava Training Centre, chinova chinhambwe chinodarika makiromita gumi kubva pamusha wedu.”

Nhamo anoti paakasvika kumakuva uku, akagariswa pakati pevakadzi vatatu nevarume vaya akatambarara makumbo, ivo vagere pamusoro pemakuva vakatarisana nemakate matatu ainge azere ropa netumwe tuhari tudiki twaivawo neropa riri kufungidzirwa kuti ndere vanhu vakafa.

Pamakuva aya panonzi paivawo netsero nhatu, mapakatwa nemapanga aiva akaunganidzwa.

Achitaura kuKwayedza, Nhamo anoti vanhu vose ava vaiva vemazera epakati nepakati nechembere neharahwa. Anotizve paakasvinura ari mukati memakuva, pakutanga hapana akataura naye.

“Handina kumbonzwa kutya pandakaona vanhu ava apo paivawo nematsero matatu padyo nehari dzaiva neropa idzi. Vanhu ava vakagara vakatarisana, ini ndikagariswa pasi ndiri pakati pavo ndakatambarara.

“Vose vaisava neshangu, neniwo ndakanga ndisina. Paiva nemurume mumwe chete aiva akamonera dehwe remhuka.

“Mazikate matsvuku aya aiva pamberi pangu, makuru matatu netudiki tuviri asi ose aiva azere neropa,” anodaro mwana uyu chiso chake chizere nekuvhiringika.

Anoenderera mberi achiti: “Ndakazonzi nemumwe mukadzi chembere nditaure mazita evabereki vangu nedzimwe hama dzose. Ndakataura mazita aya ndichitya nekukakama, ndipo pakanzi dzokorora kutaura izvo ndakaita. Ndakazotaura mazita ehama nhatu (mazita acho tinawo) asi rababa ndakanyeba ndikati vanonzi Prince.

“Pandaitaura, pane mumwe murume ainyora mazita aya pabepa achishandisa munhenga uyo ainyika muropa raiva muhari yekutanga. Vapedza kunyora, vakazonditambidza bepa riya vakanditi ndiise muhari yekutanga izvo ndakaita zihari riya richibva ratsemuka ipapo ropa rose rikayerera pasi.”1801-3-1-IMG_6174

Mukomana uyu anoti mumwe wevarume vaivapo akati midzimu yake yaive yamurambira apo mumwe mudzimai akabva atora komichi yemuti.

Anoti akazobatiranwa nevanhu vatatu apo mukadzi uyu akachera ropa muzihari rekutanga ndokumanikidza kumunwisa iro raanoti raimudzipa.

“Vakandibatirana mawoko mumwe akandigarira makumbo apo mudzimai uye akachera ropa ndokundinwisa. Vaindibata shaya nepahuro nemuromo kuti ndishame vachindimanikidza kunwa ropa iri, iro raindikachidza.

“Ndaivati mirai, asi ivo hapana chavaiterera. Ndakanwa kusvika pakati nepakati pekapu ndokubva vandiregera. Pakarepo, vose vakabva vanyangarika ndokusara ndava ndoga pakati pemakuva husiku,” anodaro Nhamo.

Anoti zvose zvinhu zvaivapo zvinosanganisira mazihari, tsero, ropa riya raiva rarasika kubva muhari yakatsemuka kunyange zvimedu zvehari yacho, zvakashaikawo zvekusara paita sepatsvairwa.

Nhamo anoti paakangonwa ropa iri, akatanga kupera simba uye akabva abengenuka pakaenda vanhu ava ndokuziva nzvimbo yaaiva.

“Ndakazotanga kufamba zvishoma nezvishoma kubva mumakuva umu uye handizive kuti dzaive nguvai. Ndakanosvika kumasango ekuAlfida Camp uko ndakazorara ndaneta. Ndakazomuka kuma 8 kwayedza, ndokufamba kuenda kumba, uko ndakawana vanhu vachinditsvaga,” anodaro.

Anoti akasvikoudza vabereki vake zvainge zvaitika kwaari vakabva vatanga kufamba naye vachiti abatsirwe.

Vanhu vamwe chete ava vekumutora husiku, anodaro Nhamo, iye zvino anovaona vachiuya kuzomutora akasvinura uye dzimwe nguva achirota, vachibuda naye panze nepagonhi rakakiiwa otozogogodza kuti adzokere mumba paanenge abengenuka.

Kuchikoro akatomira kuenda nekuda kwekuti anogona kumborasika.

“Kuchikoro ndinoda kuenda asi ndinorasika zvekusasvika. Kana dai ndikatumwa, ndinoguma ndaenda kumwe kusiriko.

Nhamo anga achiita Grade 7

“Ndinorota ndichirwa nevanhu nguva nenguva.”

Mukomana uyu anoti anorwadziwa nemudumbu nekutemwa nemusoro zvakaomarara.

VaTsvekesu vari kutsvaga rubatsiro padambudziko remwana wavo uye vanoda kuvabatsira vanoridza nhare dzinoti 0715 468 478.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey