Akanyebera kupenga kuti mukadzi aende

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso
MURUME wekunzi akanyebera kunge ave kurasika njere asi iri nzira yekudzinga mudzimai waakange apa pamuviri ave kupomerwa kumushungurudza achida kuona mwana wake.

Priviledge Jere akaendesa Oscar Chiwayo kudare reHarare Civil Court achiti ari kumuvimbisa rufu kana akaramba kumuratidza mwana waakazosununguka mushure mekunge amudzinga pamba aine pamuviri.

“Oscar ndakangogara naye kwemwedzi mitanhatu chete achibva andiramba. Akandiramba mwana waari kunetsera nhasi uyu ichiri nhumbu.

“Akanyebera kunge ave kupenga achibva angotanga kundirova achindidzinga pamba,” akadaro Jere.

“Anogara achinditumira vanhu kuti vandiudze kuti anoda kundirova. Akasangana nababa vangu akavaudza kuti kana mwana iyeye akafa kana kuona chakashata chaanosangana nacho, nemhuri yedu inobva yafawo.

“Handidi kuti auye kwandinogara. Haana chaakabvisa kumba kwevabereki vangu saka haana kana kodzero yekuti auye achinetsera mwana iyeye,” akadaro Jere.

Chiwayo akaramba kuti ari kushungurudza Jere achiti aingoda kuti vatore gwaro rekuzvarwa kwemwana.

“Handina kumbomutyisidzira, ndakangomuti auye titorese mwana chitupa chekuzvarwa,” akadaro Chiwayo.

Mutongi Trevor Nyatsanza akapa Jere gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey