Akanyimwa mari anobvisa hembe

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Amager Mufema
IMWE chembere inoti muzukurukomana wayo ari kuishungurudza zvikuru uyo anoti kana akakumbira mari akanyimwa anobvisa hembe dzose onorara pamubhedha wayo ari musvo.

Basita Jaziel akaendesa Tafadzwa Jaziel (23) kudare reHarare Civil Court.

“Changamire, ndauyo kudare ndichikumbira gwaro redziviriro nekuda kwaTafadzwa uyo anoti akakumbira mari ndikasamupa anotanga kuparadza midziyo yemumba achinditukirira zvisina mukare akamboona.

“Nguva nenguva ndinogara ndichimupa mari nekutya kutukwa kana kurohwa asi dzimwe nguva pandinoshaya mari ndinomutaurira kuti handina mari muzukuru iye obva abvisa mbatya dzake dzese ouya kuzorara pamubhedha wangu,” akadaro Basita.

Akaenderera mberi achiti Tafadzwa akaramba chikoro achida zvekugara pamba nekungondikumbira mari.

“Akaramba chikoro achiri mudiki ndokutanga kuita zvaave kundiita izvi zvekugarondikumbira mari pese-pese,” akadaro Basita.

“Ndokumbirawo kuti dare risamudzinge pamba kana kumuita chimwe chinhu nekuti anorwara neTB asi kungondipa gwaro redziviriro chete.” Tafadzwa haana kuuya kudare kuti azopa divi rake.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Basita akati Tafadzwa aifanirwa kuchengetedza runyararo pakati pake naambuya vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>