Akaoma mitezo ku‘small-house’

13 Feb, 2015 - 09:02 0 Views
Akaoma mitezo ku‘small-house’

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
SHASHA yekunzi yakaoma mitezo iri ku”small house” yakazodhonzerwa kudare nemudzimai wayo achida kuti apihwe mari yepenjeni kuitira kuti akwanise kuchengeta mhuri yavo.

Regina Dawa akaendesa murume wake, Douglas Dawa, kuHarare Civil Court achiti akange amutiza ndokusara achitambura nevana iye achinogara nemumwe mukadzi.

“Changamire wangu, ndinokumbirawo kuti dare rigamuchire chichemo changu. Murume uyu akanditiza mugore ra1999 akanogara ku‘small house’. Ini ndakagara ndiri ndoga kumusha kuDevedzo, kwaRusape, hapana chaaindipa zvose nevana vangu. Kana kutsikako zvake, ndakarera vana ndoga pasina rubatsiro rwake” akadaro Dawa.

“Kuuya kuno kudai kuti ndimutore ndidzokere naye kumusha sezvo aoma mitezo kudai. Haachazokwanisa kutsvaga mari inofadza ‘small house’ yake nekudaro achasiiwa kusvika upenyu hwamuomera.

“Saka ndikaenda naye kumusha zvinoreruka nekuti muno muHarare haana kuvaka imba achidya mari ne‘small house’ yake.”

Achipawo divi rake, Douglas akati haana mari yepenjeni yakawanda yaasara nayo.

“Ini handichina mari zhinji yandinowana kubva kukambani yandaishanda sezvo ndakamira basa mushure mekuoma mitezo. Ndine gwaro rinoratidza kuti mari yangu yasara inoita $5 000 uye ndiri kuipihwa iri $500 pamwedzi kwemwedzi misere inotevera yobva yapera zvachose. Saka handikwanise kumupa mari ini,” akadaro Dawa.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Douglas abvise $60 pamwedzi kusvika muna Nyamavhuvhu sezvo pari ipo panopera mari yake yepenjeni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey