Akapisa musha arambwa nemudiwa

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

MUKOMANA wekwaSeke wekupisa imba yeaimbova shamwarikadzi yake mushure mekunge akandwa saga akatongerwa kupika jeri kwegore rimwe chete nedare reChitungwiza Magistrates’ Courts.

Muchuchisi wedare iri, Norman Koropi, akati Tapiwa Chiwara (27), wepanhamba 14762 Unit O, Seke akapisa imba yeaimbova musikana wake, Charity Mususu (24), mushure mekunge arambwa.

Nemusi usina kudomwa mudare, Chiwara akaronga zano ndokuenda pamba paigara Mususu ari oga apo akanotungidza imba iyo yakatsva yose midziyo yaikosha US$3 000 ndokuparara. Hapana chakakwanisa kuburitswa.

Mususu aive pamba pemuvakidzani wake musi uyu uko ainge anorara usiku uhu mushure mekutya kurara oga sezvo aigara achifurufushwa naChiwara achiti aida kumugadzirisa.

Mususu akaudza dare kuti akaramba Chiwara mushure mekunzwa nevavakidzani kuti aiva nehasha dzinobvira moto uye aida zvekurwa nguva nenguva.

“Chiwara aive mukomana wangu asi hunhu hwake hwandainzwa nevanhu hwekurova ndakatya ndokumuramba iye achiti haarambwe zvachose. Pandakamuramba akandirova kundiita kafiramberi chaiko.

“Musi wakazopiswa imba Chiwara akauya kumba kwangu neshamwari yake, Helario Mawonese, ndokundituka achiti ndainge ndamurambirei naizvozvo paitofiwa. Nekutya, pakangobva vakomana ava pamba, ndakanorara kwemuvakidzani wangu uko ndakazoshamiswa ndomutswa imba yangu ichibvira, Chiwara ari mushishi kupisa musha wose .

“Ndakachaya nhare kuna babamukuru vangu kuti vauye nekuchimbidza apo vakasvikoona Chiwara achipisa imba, hapana chandakawana aingodedzera kuti ndapfidza. Ndinofunga kuti aitoti ndainge ndirere mumba, aitoda kuti ndifiremo,” akadaro Mususu. Chiwara akaramba mhosva iyi pamberi pedare asi yakazomumonerera nekuda kweumboo hwaivepo.

Mutongi Don Ndirowei akati munhu kana arambwa ngaagamuchire uye tsika yevamwe vakomana vemazuva ano yekurova vasikana vavasina kubvisira kana kobiri zvaro imhosva. Nokudaro Chiwara akanzi apike jeri kwegore rimwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey