Akaponda mukadzi arambwa

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wemubhuku raMuchohonyi, kuNgezi mudunhu reMhondoro anonzi akaponda aimbove mudzimai wake nekumutema-tema nedemo iyewo ndokuzozvisungirira nekuda kweshanje apo akarambwa.

Mutumbi waBellington Nyika (32) nemudzimai wake, Bellinda Tenhedza (25), yakawanikwa iri muimba yavo yekurara munguva pfupi ichangodarika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara vanotsinhira nyaya iyi. Tenhedza aibva mubhuku raNyakudya, kwaMambo Rwizi, kuMhondoro kwakare.

Murume uyu anonzi akatema-tema aimbova mudzimai wake nedemo iyewo ndokuzozvisungirira muimba yavo yekurara. Vaviri ava vanonzi vakaroorana mumwedzi waZvita mugore ra2016.

Vanonzi nekuda kwematambudziko avaisangana nawo muwanano yavo, Nyika nemudzimai wake vakazosiyana kumavambo kwegore rino Tenhedza ndokudzokera kuvabereki vake. Murume uyu anonzi akasara achigara oga pamusha.

Insp Mabgweazara vanoti nenguva dza8 mangwanani pazuva risina kudomwa munguva pfupi yakadarika, Nyika anonzi akabva pamba pake ndokuenda kumba kwaamai vake, Elizabeth Muchohonyi (60) mumusha mumwe chete uko akasvikopihwa kudya kwemangwanani.

“Murume uyu paakadzokera kumba kwake achibva kumba kwaamai vake uko akanodya kudya kwemangwanani, akasvikosangana neaimbova mudzimai wake uyo ainge auya kuzotora mbatya dzake,” vanodaro.

Mbuya Muchohonyi vanonzi pakabva mwanakomana wavo vapedza kumupa kudya, vakazoenda kunowacha patsime riri padyo.

“Mbuya ava vapedza kuwacha, vakazoenda kunoyanika mbatya dzavo pawaya iri pamusha wemwana wavo apo vakanowana madhoo epadzimba idzi akakiiwa nemukati. Vanonzi vakazoona ropa raibuda nepasi pedhoo muimba yaisirara vaviri ava,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Mbuya ava vanonzi vakazoshevedza Mai Veronica Muchohonyi (55) apo vakabatsirana kuvhura dhoo iri nechisimba ndokutanga kuona mutumbi waNyika wakarembera pamapango emumba umu.

“Vachipedza kuona mutumbi wemwana wavo uyu, vakabva vasanganidzanawo nemutumbi wemuroora wavo, Bellinda Tenhedza waiva pasi uri mukati medivi reropa parutivi pawo paine demo raiva rizere ropa,” vanodaro Insp Mabgweazara.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekwaMubayira. Mutumbi waTenhedza wakawanikwa uine maronda akadzika zvikuru mumusoro.

Hama dzemudzimai uyu dzinonzi dzakatsinhira kuti akanga abva pamba achiti aida kunotora mbatya dzake dzaaiva asiya kumba kwaNyika.

Mitumbi yevaviri ava yakazoendeswa kuchipatara cheMubayira uko yakanoongororwa namachiremba isati yanovigwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey