Akaponda munin’inal… ‘Vainge vadhumaniswa nemusikana’

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Akaponda munin’inal… ‘Vainge vadhumaniswa nemusikana’ MAZUVA EKUFARA . . . Mhuri yekwaChikanya ichifara zvayo nguva yadarika apo mushakabvu Lancelot Chikanya (akachonjomara kuruboshwe) aive ana mukoma wake, Brian Chikanya (akagara wechipiri kubva kurudyi) nevamwe

Kwayedza

MAZUVA EKUFARA . . . Mhuri yekwaChikanya ichifara zvayo nguva yadarika apo mushakabvu Lancelot Chikanya (akachonjomara kuruboshwe) aive ana mukoma wake, Brian Chikanya (akagara wechipiri kubva kurudyi) nevamwe

MAZUVA EKUFARA . . . Mhuri yekwaChikanya ichifara zvayo nguva yadarika apo mushakabvu Lancelot Chikanya (akachonjomara kuruboshwe) aive ana mukoma wake, Brian Chikanya (akagara wechipiri kubva kurudyi) nevamwe

NYAYA yemurume akaponda munin’ina wake achiita wekumuzvakatsa nebango sezvinonzi inyoka yapinda mumba yasiya vagari vemubhuku raUshongani, kwaMusana, vaoma mate mukanwa.

Mashura aya akaitika nemusi wa15 Mbudzi apo Brian Chikanya (37) anonzi akaponda munin’ina wake, Lancelot Chikanya (35) achiita zvekumuzvambaradza nezidanda.

Pane mashoko anoti vaviri ava vairwira musikana.

Assistant Inspector Petros Masikati, avo vanove mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, vanotsinhira chiitiko ichi vachiti:

“Nyaya iyi yakaitika apo varume vaviri ava vaiva pamba paamai vavo, Mbuya Cecillia Chikanya (77) nenguva dza8 manheru. Vakatanga kurwisana nenyaya dzemumisha mavo dzisina kuzivikanwa.”

Asst Insp Masikati vanoti vaviri ava vakanga vabva kubhawa panzvimbo yemabhizimisi yeChiveso, apo vakasvikotanga kunetsana vava pamba apa.

“Vakatanga kukandana zvibhakera kusvikira Lancelot akazokurirwa nemukoma wake achibva apunzikira pasi. Brian anonzi akatora hwere kana kuti bango rekuzarira mombe padanga ravo riri padyo nechivanze achibva atanga kurova munin’ina wake muviri wese kusvikira bango racho ratyoka,” vakadaro Asst Insp Masikati.

Brian anonzi aona kuti danda iri rakanga ratyoka, akazoenderera mberi nekutsika-tsika munin’ina wake nebhutsu pachipfuva nepadumbu kusvikira asisagone kana kutaura nekusimuka muviri wese wangova maronda.

“Muviri wemurume uyu wakanga wangova maronda, kudumbu, pachipfuva nekumusana, uye akanga ava kubuda ropa mumhuno zvisingagume ndokubva aendeswa kuchipatara cheBindura asi akafira mumugwagwa,” vakadaro.

Mumwe mukoma wemushakabvu uyu, Walter Chikanya (37), ndiye anonzi akazoenda kunonunura Lancelot apo akanga apera basa nekurohwa.

“Mapurisa ekuBindura Rural akazoenda kunoferefeta nyaya iyi zvikaita kuti mutumbi uyu unochengetedzwa kumochari yekuchipatara cheBindura uyewo Brian Chikanya achibva asungwa nenyaya yekuponda,” vakadaro Asst Insp Masikati.

Lancelot akavigwa neMugovera wadarika kwaMusana kwakare.

Mamwe mashoko anoti vaviri ava vakaburana mushure mekunge vaziva kuti vari kudanana nemusikana mumwe chete.

Hanzvadzi yemushakabvu, Sabinah Chikanya (46), anoti vari kurwadziwa zvakanyanya nezvakaitika.

“Inyaya yandakangonzwa sezvo ndaiva kuHarare, kuti hanzvadzi dzangu dzaurayana, zvakaitika chaizvo handizive,” akadaro Sabinah.

Mudzimai waBrian, Annah Jongwe (25), anoti haana ruzivo nezvakanga zvanetsanirana vaviri ava sezvo vakabva kubhawa vakasiyana ndokuzosvikotanga kurwa kumba.

“Mukoma ndiye akatanga kudzoka munin’ina ndokuzotevera. Brian akazobva kumba achiti aida kutsiura munin’ina wake nekuda kwenyaya yemusikana waaidanana naye uyo waaiti aimusanganisa nemumwe murume uyo aishanda naye pari kuvakwa dhamu,” akadaro Jongwe.

Mukadzi uyu anoti akatiza aona Lancelot achirohwa apo Brian anonzi akazotanga kumutsvaga achida kumuponda zvakare.

Pane mashoko anoti vaviri ava vainetserana mombe dzaamai vavo sezvo Brian achinzi aida kushandisa mombe chete asingafudze uyuwo Lancelot ari iye aidzichengeta.

Mamwewo mashoko asina kutsinhirwa ndeanoti mukoma nemunin’ina ava vainetsana nekuda kwemumwe musikana wemunzvimbo iyi uyo vaidanana naye vose.

Lancelot anonzi ainge atengera musikana uyu bhutsu ne “weave” izvo akanga ava kuda kudzoserwa apo akaziva kuti Brian ari kudananawo nemusikana mumwe chete uyu.

Asst Insp Masikati vari kukurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vanetsana ngavatsvage vanhu vechikuru kana vatungamiri voyayaniswa mune zvakanaka.

Sabhuku Ushongani, VaMichael Makumbe (64), vari kushora chiitiko ichi. Mumwe sabhuku ari pedyo nenzvimbo iyi, VaPeas Chiveso (75), vakati nyaya yakadai iyi ndeye chipiri kuitika munzvimbo mavo.

“Nyaya yakadai iyi yakamboitika mumusha mangu apo mukoma nemunin’ina saizvozvi vakabayana nebanga mukoma akafa, vanova vekumhuri yekwaJuru,” vakadaro.

Tafadzwa Chikanya (30) naZvidzayi Chikanya (35), vakati chavanoziva chete ndechekuti vaviri ava vaigara vachirwisana asi vaisaburitsa pachena kuti vairwira chii.

Muzukuru mumhuri iyi, Martin Dengu (56), akati upenyu hwanasekuru vake hwaingova hwekurwa chete.

“Chokwadi kuti ndizive chaicho chavakarwira handichizive,” akadaro muzukuru.

Share This:

Sponsored Links