Akarambirwa kupopota

12 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VANHU vaive mudare redzimhosva reHarare Civil Court vakakahadzika apo mumwe murume akati ari kushungurudzwa neaimbove mudzimai wake uyo anouya kubasa kwake achiita mhirizhonga zvekuti akangomuona chete anotopona nekutiza.

Tonderai Chipere akaendesa Innocent Mashumba (izita remukadzi) kudare achimupomera mhosva yekumushungurudza kubasa zvose nekumba.

“Nemukadzi uyu takarambana, asi zvino ava kuita basa rekuuya kwandinoshandira achindinetsa zvekuti ndinototi ndikamuona ndototiza,” anodaro Chipere.

Anoti Mashumba anopopota zvikuru chinove chimwe chezvikonzero zvakaita kuti varambane.

“Mudzimai uyu ane chipo chekupopota zvekuti ndizvo zvezvimwe zvakaita kuti tirambane. Akada kupopota hapana anomunyararidza. Izvozvi kubasa kwangu ndave kutonyara nekuti akasvika ruzha rwega-rwega,” anodaro.

Achibvunzwa nedare kuti angadzivise sei Mashumba kuuya kubasa sezvo iye Chipere achishandira pachipatara, anoti hazvingaite kuti amurambidze kuenda kuchipatara sezvo iri nzvimbo yeruzhinji asi haadi kuti mukadzi uyu asvike pedyo naye.

“Handingamudzivise kuti auye kuchipatara nekuti inzvimbo yevanhu vese. Chikumbiro changu ndechekuti asauye pedyo neni. Ini ndiri gadhi saka ndinongotenderera pachipatara apa, asi zvakadaro iye ngaasauye pedyo neni nekuti ini handiendewo pedyo naye,” anodaro Chipere.

Mashumba anoudza dare kuti achiri kuda kutaurirana naChipere nekuti pane zvavasina kupedzerana pavakarambana.

“Murume uyu ndichiri kuda kutaura naye, ndichine mashoko akawanda naye nekuti pakurambana kwedu pane zvizhinji zvatisina kupedzerana. Izvozvo ndikada kutaura nezvazvo zvinobva zvaita sendiri kupopota asi ndinenge ndichida kunzwisisa,” anodaro Mashumba.

Anoti Chipere akamushandisa sezvo asingade kumupa chibage chaakarima.

“Murume uyu akauya kudare nekuti ndakamurimira chibage tisati tarambana asi haachada kundipa chibage. Ndikamubvunza ava kuti ndinopopota,” anodaro Mashumba.

Chipere anopikisana nemashoko aMashumba achiti akatora zvinhu zvese pavakarambana.

“Ari kunyepa, akatora zvinhu zvese uye izvo zvekuti ari kushandiswa ndezvemumusoro make, hakuna zvakadaro.”

Mutongi Nyasha Marufu akapa Chipere gwaro rerunyararo ndokuti Mashumba asamushungurudze kana kuenda pedyo naye.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>