Uncategorized

Akaremara adzvokorwa nekatsi

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Akaremara adzvokorwa nekatsi katsi

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wechidiki anogara kuNorton anoti akasara aremara mitezo yemuviri wake mushure mekunge avingwa nezikatsi dema husiku, iro rakangosvikodzvokorana naye ndokuchema apo rainge rakawetsura maziso.

Temptation Chiwanza (32) wepanhamba K1289 Katanga haachagone kufamba zvekuti nguva zhinji anodya zvose nekuzvibatsira arere.

TEMPTATION CHIWANZA

Anoti akasangana nejambwa iri mugore ra2015 apo akavingwa nekatsi yakangosvikotarisana naye, ikachema ichibva yazosvetuka kubuda mumba maaive nepahwindo asi raiva rakavhurika.

“Kana ndichitaura vanhu vanofunga kuti kutamba, ndakangoerekana zikatsi dema rapinda mumba mangu mandinorara ndokubva ratanga kuchema rakaburitsa maziziso, pashure richibva rasvetuka nepahwindo. Ndipo pandakabva ndanzwa kutanga kupiswa zvikuru ndichipera simba, ndichiona zvemadzengerere. Ndakazongokotsira kwenguva refu.

“Pandakazosvinura, ndakatadza kufamba kana kumuka,” anodaro Chiwanza.

Murume uyu – uyo asati aroora – anoti katsi iyi yakaonekwa nevamwe vanhu vaiva pachivanze nemune dzimwe dzimba umo munodarikwa namo kunopinda muimba yake.

“Vanhu vaiva panze pemba yedu vanoti vakaona katsi iyi ichipinda pagedhi pedu ichinzi yaisanduka ruvara. Izvi zvakaita kuti vanhu vatize, kusanganisira sisi vangu.”

Kubva ipapo, anodaro Chiwanza, akambotakurwa kuendeswa kuzvipatara achifungidzirwa kuti ane dambudziko rekuoma mitezo (stroke) izvo anoti zvakawanikwa zvisirizvo.

“Mari yakapera ndichiendeswa kuzvipatara asi hapana chirwere chakawanikwa. Kwatinofamba zvinonzi haisi katsi yandakaona, asi kuti zvidhoma,” anodaro Chiwanza.

Murume uyu anogara nehanzvadzi yake, Violet Mabwe (45), uyo waanoti ndiye anomubatsira pane zvose.

“Hanzvadzi yangu ndiyo zvose, dai pasina iye ndingadai ndakafa. Changu ndinongokwanisa kufamba nemadziro kunogeza nekuenda muchimbuzi, ndodzoka ndorara.

“Ndangomirira kufa, dai maporofita nen’anga dzinogona vandibatsirawo ndirarame,” anodaro Chiwanza.

Mabwe anotsinhira hurwere hwehanzvadzi yake achiti vane fungidziro yekuti aya mabasa evaroyi.

“Hurema uhwu hwakatanga aona katsi mumba make. Isu sevana vadiki, sezvo amai nababa vakashaika, takamuendesa kuchipatara tichiti asituroka. Asi hapana denda rakaonekwa kusvika nhasi. Apa mari yapera uye hapana anoshanda. Ini ndinowana kamari kepenjeni kubva kwaimboshanda murume wangu akashaika, Isiah Makuzha,” anodaro.

Mudzimai uyu anogarawo nechikomba chake, Godfrey Gumbeze, pamba pavo ichowo chisingaende kubasa.

Chiwanza anobva kuBocha, kwaMutare uye anoti haana kwekucheukira sezvo baba vake, VaKennedy Chiwanza, vakashaika mugore ra1992 uyewo amai vake Jubilee Mary Masvosvera ndokuzoshaikawo muna 1996.

Murume uyu akaberekwa mumhuri ine vana vatanhatu.

“Handina hama dzababa dzandinoziva, izvozvi ndinogara nasisi vamwe vakaenda kunoshandira kunze kwenyika. Hama dzaamai hapana zvavanogona kuita. Dambudziko rangu kuroiwa, imba yatinogara iyi yakatengwa naamai vasati vashaika nemari yepenjeni,” anodaro Chiwanza.

Anoti aimboshandisa madhondoro pakufamba asi haachakwanisa sezvo muviri wake usisina simba.

“Ndinodawo wiricheya nezvimwe zvekusimbisa miviri. Rimwe dambudziko, ndinogona kupedza mwedzi ndisina kubuda kunze ndichiona zvinhu zvinotyisa mumaziso angu,” anodaro Chiwanza.

Anokumbira rubatsiro rwezvekudya, magumbeze, zvekupfeka, sipo nezvimwe.

“Mumwe anombondipawo mari ndisisi vangu vari kuSouth Africa, Doreen Mabwe namukoma Charles Nzuzu. Mukuru mudzinza ranababa nditete Mai Munyaradzi vari kwaMutare avo vanogara vachiti ndiuyeko asi dambudziko handigone kufamba,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanogona kuridzira nhare dzinoti 0738 567 529 kana 0784 224 055.

Share This:

Sponsored Links