Uncategorized

Akarohwa apuruzira nekutsvoda chitunha

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views
Akarohwa apuruzira nekutsvoda chitunha

Kwayedza

Top2

VABARNABAS Tavengwa

Kingstone Mapupu
MURUME wechikuru anova sabhuku kwaSeke akaita chisionekwi apo akaenda kunhamo yehama yake kwaChihota uko akasvikopuruzira matama echitunha nekuvhura maziso achichitsvoda achiteketera nemutupo wemufi izvo zvakazoita kuti arohwe neveruzhinji senyoka yapinda mumba.

VaMichael Mudhokwani (76), vanova Sabhuku Kwaramba, vanotsinhira kuti vakazvambaradzwa panhamo yemukoma wavo, Elias Chakanyuka Mazhindu (82), apo vakaonekwa vachibata-bata matama echitunha nekuvhura maziso emufi, kumbundira nekuchitsvoda ruzhinji rwevanhu vakayeva.

Elias akashaika masvondo mashoma akadarika mushure mekurwara.

Sabhuku wekutsvoda nekubhabhadzira chitunha uyu akaudza kwayedza kuti: “Ichokwadi kuti ndakazviita asi kwaiva kudhakwa chaiko. Ndaive ndanwa doro rakawandisa musi uyu nekuda kuzvinyaradza.

“Ndakaenda kunhamo uku mangwanani ndokuzobvako ndave kudzokera kumba kwangu sezvo pari padyo nepadyo. Ndakanonwa doro rechikokiyana ndokudhakwa zvikuru. Ndakazodzokera apo vanhu vakanga vave kuonekana nemufi, ndipo pandakabata matama echitunha ndokuzovhura maziso, vanhu vakashamiswa nazvo.

“Ndakabata maziso emukoma zvisingabvumidzwe ndikaavhura, ini ndaiti ndiri kugona uye izvo zvekuti ndakazviita nekuda kwekushereketa handizvo. Handina chakaipa chandinoita ini, ndakaonekwa nemunin’ina wangu Fidelis Mazhindu uyo akanditsiura. Akabva panze achimhanya ndokusvikovhara maziso echitunha pakare sezvinodiwa.

“Vanhu vakazotanga kupopota, ndikatanga kurohwa zvakasimba nebhutsu nezvibhakera kudzimara ndakanowira pakati pemadzimai aichema achiti ndakange ndave kuuraiwa. Vamwe vaichema vachikumbira ruregerero, ini ndakakumbirawo ruregerero kuvanhu vehukama hwangu vekwaVhuramayi nevatorwa vaivapo.”

Murume uyu anonzi paakasvika akatanga kuuchira akatarisisa kumeso kwechitunha.

Mushakabvu aigara mubhuku raMazhindu, kwaChihota uyo unotungamirirwa naVaFidelis Mazhindu (69), varizve munin’ina kumufi saSabhuku Kwaramba.

“Vanhu vandakaona vachindirova vanosanganisira vana vemukoma wangu mufi vanoti Brian, Obrey, Gody nemumwe akazondirova chibhakera chematsenganzungu chakazondipunzira pasi musoro wangu ukanhuwa ropa,” vakadaro VaMudhokwani.

Mwanakomana wemushakabvu, Spencer Mazhindu (39), anoti zvakaitwa nababamudiki vake zvakavashamisa.
Spencer akati: “Nyaya iyi yakaitika apo vanhu vakanga vave kuonekana nechitunha, babamudiki ava ndivo vakatanga kupinda ndokubata matama emutumbi ndokubva vazovhura maziso. Mukoma wangu anonzi Guide Mazhindu akazviona achibva ataurira babamudiki vanove sabhuku, VaFidelis Mazhindu, avo vakazomutsiura vachibva vazovhara maziso echitunha.

“Vehukama vose takazoita dare Mudhokwani achibvunzwa kuti akazviitirei ndokukumbira ruregerero achiti aisaziva kuti aiita zvinhu zvakaipa.”

Madzimai vanosanganisira Evangelista Chifeya (46), Hazvinei Hore (36) naThokhozile Pasipamire (25) vakati vakashamiswawo nazvo.

VaErnest Mazhindu (72), munin’ina wemufi, vakati zvakadai izvi mudzinza ravo havana kumbobvira vakazviona.

“Chishamiso muno, hatina kumbobvira takazviona, hamheno kuti huroyi here kana kuti chii, iye Mudhokwani ndiye anoziva zvaakazviitira,” vakadaro.

VaFidelis Mazhindu vakatsinhira kuti ndivo vakazovhara maziso emufi.

“Ndakamuona Mudhokwani achiuchirira sezvatinoita kana tichipira vadzimu, akakotama pachitunha achiti, ‘Vhuramayi musaende makatsinzinya,  svinurai kani’, apo aibata-bata matama ndokuzoti achidhonza-dhonza matama aya, ‘Rambai makadaro Vhuramayi’,” vakadaro.

Muzukuru mumhuri iyi, VaBanabas Tavengwa (61), vanoti vakazongonzwa nyaya iyi, iyo vanoti yakavashamisawo.

“Kudzinza remadzisekuru angu inyaya yekutanga kunzwa iyi asi vanofanirwa kufamba pachivanhu,” vakadaro VaTavengwa.

Mudzimai ane murume sabhuku wekurohwa, Mai Emaculate Garabha (64), vakati zvakaitwa nemurume wavo aingova mabasa ekudhakwa chete.

“Ini ndaisavapo, ndakanga ndaenda kunyaradzo yemuramu wangu kuBuhera ndikasvikozvinzwa ndikati hekanhi waro nekuti ndaivarambidza doro vachiramba kundinzwa,” vakadaro.

Sabhuku Kwaramba vanoti kubva musi uyu, vakabva varega doro nekuda kwechiitiko ichi icho vakati chinonyadzisa zvikuru. Kuburikidza nenyaya iyi, vemhuri iyi vakazotsvaga maporofita akafamba mumusha wekwaMazhindu achiuchenesa uyewo nekwaMudhokwani, uko vanonzi vakanowana chidende, tsvimbo nemachira emudzimu, nendiro yemuti izvo VaMudhokwani vakati hazvisi zvemabasa akashata. “Chainzi chidende ichinu chemudzimai wangu; tsvimbo, machira nendiro yemuti ndezvemudzimu wedu Mudhokwani anosvika pahanzvadzi yedu inogara kuHarare,” vakadaro.

Maporofita akaenda pamusha uyu aiva matatu anonzi akabva kuchechi inodaidzwa kuti Makrisitu aJesu ayo aitungamirirwa naForget Vambe.  Zvichakadai, Sabhuku Kwaramba vakazoenda kunomhan’ara kwaShe Seke vachiti maporofita aya akanga avatorera chinu chemudzimai wavo, tsvimbo dzemudzimu, machira nendiro. Ishe Seke vakatonga nyaya iyi vakati maporofita aya aifanirwa kuripa mombe imwe chete nembudzi izvo zvinoenda kumusha kwemudzimai waVaMudhokwani nekuda kwekutora kwavakaita chinu chake.

Mudare iri, iro rakaitwa nemusi wa28Mbudzi, VaMudhokwani vakanziwo varipe mombe mbiri nembudzi nekuda kwekuti vakavhura chitunha maziso nekuchipuruzira.

“Ichokwadi kuti nyaya mbiri idzi dzakapinda mudare rashe, maporofita acharipa mombe nembudzi, iniwo ndicharipa mombe mbiri asi ndakanzi pachaitwa nyaradzo nemusi wa13 Zvita ndichagara pasi nanasekuru vemukoma wangu akashaika votaura zvavanoda. Dzimwe nguva vanondidzikisira pamombe mbiri idzi, hamheno,” vakadaro VaMudhokwani.

Mbuya Marita Ridhi, avo vanova godobori munyaya dzezvechivanhu, vanoti zviri pachena kuti paiva nekushinha kwakaitwa nemurume uyu.

“Kazihinji zvinhu zvakadai vanhu vanenge vachitsipika mweya yevakafa. Murume uyu ane zvaanoziva nekuda kwekufa kwemukoma wake, zvinoda kuti vanhu ava vafambe kun’anga dzinoona vaudzwe chokwadi,” vakadaro Mbuya Ridhi.

Ishe Seke, VaStanley Chamanikire, vakatsinhira kuti vakatonga nyaya yemhuri yekwaMazhindu neyekutorwa kwezvinhu mumusha nemaporofita.

“Ichokwadi, nyaya iyi yakasvika mudare rangu ndikavapa zvirango zvavo,” vakadaro Ishe Seke.

Share This:

Sponsored Links