Uncategorized

Akarova muzukuru nechitofu chaibvira

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
BONGOZOZO pakati pasekuru nemudzimai wavo rinonzi rakavaparira zvichitevera kupisa kwavakaita muzukuru wavo nechitofu cheparafini chaibvira apo akabatanidzirwa zvikaita kuti akuvare zvakanyanya.

Spiwe Jekanyika akaendesa Violet Justin nehanzvadzi yake — Tonderai Justin — kudare reHarare Civil achivapomera mhosva yekumushungurudza mushure mekunge avaudza kuti anoda mari yekurapisa mwana wake akapiswa nechitofu naTonderai.

Jekanyika ana baba vake oga asi amai vake ndivo vamwe chete vabereka Violet naTonderai. Jekanyika akaudza dare kuti mwana wake akapiswa naTonderai, uyo akamukandira chitofu cheparafini chaibvira chikamupisa zvakaipisisa uye pari kudiwa mari inosvika $1 000 yekuti avhiiwe kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Achipawo divi rake, Violet akapikisana naJekanyika achiti anotodawo kuti mwana akapiswa uyu apore nekukasika.“Ndinoshamiswa chaizvo nemashoko ari kutaurwa nasisi. Mwana paakatsva ndaitoba imwe mari kumba murume wangu achitobvunza ndichiramba nechikonzero chekuti ndaida kuti mwana arapwe.

“Pavakanzi panodiwa mari yeoparesheni, ndakatofanobatsira kutsvaga vanhu vanopinda mumba nekuti imba yakange isisina maroja ndichiitira kuti vawane mari nekukasira,” anodaro Violet.

Anoti Jekanyika aida gwaro redziviriro kuitira kuti akwanise kutora imba yavakasiirwa nevabereki vavo zveginya.

Akati mwana uyu paakatsva akabatanidzirwa sezvo Tonderai airwa nemudzimai wake.

Tonderai haana kuuya kudare kuti ape divi rakewo panyaya iyi. Mutongi Sharon Chipanga akapa Jekanyika gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey