Akaroverwa $1 re’airtime’

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
PANE murume ari kupomerwa mhosva yekurikita mudzimai wake mushure mekunge atora $1 ndokunotenga “airtime” asina kumukumbira.
Lois Munemo akaendesa murume wake, Richard Munemo, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvikuru nekudaro anoda gwaro redziviriro.

“Murume uyu ari kundishaisa mufaro. Patakaroorana aiva munhu aindipawo chinzvimbo changu semudzimai wake uye zvinhu zvainyatsoendeka. Handizivi kuti dambudziko rake nderei mazuva ano nekuti tikangoita kanyaya kadiki-diki kanobva katoitwa nyaya hombe yekuti ndinoudzwa mashoko anorwadza.

“Mazuva apfuura aya akandirova nezvibhakera nekuti ndakanga ndatora $1 ndikatenga ‘airtime’ ndichida kufona. Zvakandirwadza zvisingaiti. Nyaya yaivapo yange iri yekuti watorerei mari iyoyo usina kutanga wandisuma.

“Handizivi kuti $1 ringaroverwa munhu here chokwadi? Haadi kuti ndimutsiure kana kutaura pfungwa dzangu pazvinhu zvemumba medu, inobva yatoita nyaya,” akadaro Lois.
Akati Richard anomutuka zvekunge munhu akagarwa nengozi.

“Akada kutanga kutuka ipapa hapana chinosiiwa, anondiudza huroyi, hupfambi nezvose zvituko zvamungafunga. Anotuka tose nevana achitiudza hudofo.
“Handizivi kuti hudofo hwaazoona iko zvino ndehupi.

Vana vedu chaivo havachina mufaro pamba. Vakatoona baba vavo vasvika vanotonozvivharira mudzimba dzavo dzekurara nekuti vanenge vachingotukwa kunyangwe vasina chavatadza,” akadaro Lois.
Richard akaramba zvaitaurwa achiti:

“Ishe wangu, mudzimai wangu ari kunyepera dare kuti ini ndinomutuka.
Chokwadi pandiri pano apa nemakore atagara tose ndingatuke munhu akandiberekera vana vangu kuti pfambi kana muroyi ini ndisina umboo nazvo? Mudzimai wangu ndinomuda chaizvo asi iye haazvione.

“Zvichida anotarisira zvakawanda kubva kwandiri asi ini ndinoona sekunge ndiri kutogonawo kuchengeta mhuri zviri kutadzwa nevamwe varume vezera rangu.”

Akati mudzimai wake akangomurova kamwe chete senzira yekumuranga mushure mekunge amudenha.
“Hongu handisi kuramba kuti ndakamurova, zvakazongoitikawo nekuti ndiye aive anditanga.

Akataura nemuromo wake kuti kutora kwaakaita mari yekutenga ‘airtime’ kwaiva kuda kutondidenha kuona kuti ndomuita sei.
Saka ini nehasha ndakabva ndamurova sezvo akanga ave nenguva achingondidenha.

“Handina kutombomurova zvakanyanya, ndakangozviita kuti asandidheerere futi kana kuda kungondidenha nekuti kuri kuda kurova chaiko ndinomuuraya.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaLois chegwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links