Akaroverwa us$1

05 Aug, 2016 - 00:08 0 Views

Kwayedza

MUSHANDI wepane rimwe siraha (bhucha) riri kwaSeke, wekurova mumwe mukomana nekumubvutira dhora rake achiti ane chikwereti naye, akatongerwa kubvisa faindi nedare reChitungwiza Magistrates Court uye kukundikana kwake anozokandwa mujeri.

Panashe Chihwai (17), uyo anoshanda paChirimuta Butchery, paZiko, akarwisa Tafadzwa Dzawo wekubhuku rekwaChikambi, kwakare kwaSeke, mushure mekunge amubvutira dhora raaive naro.

Mutongi wedare iri, Blessing Murwisi, akatemera Chihwai chirango chekubvisa faindi yeUS$50 akati kukundikana kwake aizonogara mujeri kwemwedzi wose.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa1 Chikunguru munguva dzemasikati, Dzawo akange ari pasiraha apo Chihwai akamubvutira dhora iro akange atumwa nasekuru vake kunotenga mukaka.

Dzawo akakumbira kuti Chihwai amudzorere mari yake asi akaramba achiti mumhan’ari uyu akange aine chikwereti chake cheUS$3.

Pakabva pamuka kusanzwanana pakati pevaviri ava izvo zvakaita kuti Chihwai agumisire ave kurova Dzawo nembama akasara atsemuka nechepamusoro peziso.

Dzawo haana kukwanisa kunorapwa nekuda kwekushaya mari.

Achiedza kuvhika mhosva, Chihwai anoti akarova mumhan’ari nekuda kwekuti akange achida kutora US$30 yaive pamusoro pefiriji uye nefoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey