Akasiya basa

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Akasiya basa Valentin Maslakov

Kwayedza

Valentin Maslakov

Valentin Maslakov

MURAIRIDZI wechikwata chemujaho wekumhanya chenyika yeRussia, Valentin Maslakov, akakanda mapfumo pasi nekusiya zvekutungamirira chikwata ichi apo vatambi vacho vakawanda vakatarisana nemhosva yekushandisa zvinodhaka pakuzvigwinyisa miviri yavo. Zvichitevera kumbomiswa kwakaitwa vatambi vanoita zvemijaho vashanu nesangano reAnti-doping agency reko, Maslanov anonzi akaona zvakakodzera kusiya basa iri sezvo zvichimudzikisira zvakanyanya. Mutungamiri wesangano reRussian Athletics, Valentin Balakhnichev, akati kunyangwe Maslakov ainge asina chaakatadza aisafanira kupeta mawoko akatarisa chikwata chake chichinyadzisa nokudaro akazvipira kubvuma mhosva yaiva nevatambi ava.

Nerimwewo divi, sangano rinoona nezvemitambo pasi rose reInternational Association of Athletics Federations (IAAF) rinoti rakabatikana zvikuru nehuwandu hwenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka nevatambi vekuRussia.

Russia inonzi ine vatambi 23 pa37 vakabatwa nemhosva yekushandisa zvinodhaka kubva zvakavambwa chirongwa chekuderedza mhosva dzerudzi urwu.

Sangano reWorld Anti-doping Agency pari zvino riri kuita tsvakurudzo yakazara maererano nechitsotsi pamwe nehuwori munyaya dzezvemitambo.

Share This:

Sponsored Links