Uncategorized

Akasungwa parufu rwemudzimai wake

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Akasungwa parufu rwemudzimai wake Stefani Waya

Kwayedza

Stefani Waya

Stefani Waya

VANHU vaiva parufu rwemumwe mukadzi akafira kuSouth Africa svondo rapera, mutumbi wake ndokuzounzwa kuChitungwiza, vakashamiswa zvikuru apo vakavhura bhokisi ndokuona kuti chitunha chainge chisina huropi uye maive nedumwa rakange rakasonererwa pabhodhi yake.

Parufu ipapo, murume wemukadzi uyu akasungwa nemapurisa munyaya isati yanyatsojeka.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti vanoda nguva yekuongorora nyaya iyi zvizere.

Hama dzemuchakabvu uyu dzine fungidziro yekuti dumwa iri raiva rekutsipika mweya wemufi kuti asapfuke.

Mercy Taurai Mupindiko (35), wepanhamba 17940 kuUnit M, kuChitungwiza, akafa svondo rakapera kuJohannesburg, kuSouth Africa, apo vaigara nemurume wake, Stefani Waya, paimba yemudurikidzwainova.

Babamudiki vemuchakabvu, Paradzai Mupindiko (43), vanoti havagutsikane netsanangudzo yefiro yemwana wavo.

“Takamboti mwana uyu asiyane nemurume asi iye airamba,” vakadaro VaMupindiko.

Vanoti vakatanga kunzwa kuti Mercy aiva akuvara apo akazvidonhedzera pasi kubva muimba yemudurikidzwa yavaigara.

“Ndakatumirwa shoko nehanzvadzi yangu, Norma, inogarawo kuSouth Africa ichiti Mercy ainzi azvidonhedzera pasi kubva mumba maaigara achinzi akanga akuvara zvikuru. Mushure menguva ingaite maawa maviri mukuwasha akazotumira rimwe shoko kuhanzvadzi iyi kuti Mercy afa,” vakadaro.

VaMupindiko vanoti vakazotumira mashoko kuna Norma vachimutaurira kuti anoona mukuwasha kuti anzwisise zvizere nezvechiitiko ichi.

“Ndakazofonera mukuwasha ndichimuti aidawo rubatsiro here rwekutakura mutumbi wemudzimai wake uunzwa kuno akati aikwanisa zvose oga,” vakadaro.

Norma anonzi akazokumbira mumwe wemumhuri yavo, VaStaffred Mupindiko (56) vanovawo babamudiki vemuchakabvu, kuti aende kuSouth Africa.

“Mukoma Staffred pavakaenda vakanowana mukuwasha agadzirisa mapepa oga.”

Mutumbi weMercy wakazotakurwa naWaya, hanzvadzi yake, shamwari yake uye VaStaffred Mupindiko vaivapowo kunyangwe vachinzi havana kukwanisa kuona mutumbi wemwana wavo.

Murwendo rwavo kubva kuSouth Africa, VaStaffred Mupindiko vanonzi vakazoziviswa nemumwe wevavaifamba navo ava kuti mumota yavaiva maiva nepoto ine mushonga wakasungirirwa uyo wakanzi ndewaMercy.

VaStaffred Mupindiko vanonzi vakati kumhuri yekumukuwasha mushonga uyu uraswe pamwe chete nepoto yacho izvo zvisina kuitwa.

Zvisinei, poto nemishonga izvi zvinonzi zvakazopiswa neimwe hanzvadzi yaWaya.

Mutumbi wasvika kuChitungwiza, Waya akazonzi atsanangure mafiro emudzimai wake.

“Mukuwasha akamboramba kutaura asi ndokuzoti nemusi waazofa Mercy, akatanga kumutevera kubhawa uko ainwa doro neshamwari yake. Anoti aimufungira kuva neshamwarikadzi izvo zvaisavapo uye vakazodzokera vose kumba. Anotizve vasvika kumba, muchakabvu akatanga kuchema apo akazozvikanda pasi ndokukuvara asi akazofira kuchipatara,” vakadaro.

Madzitezvara ava vanoti vakazobvunza shamwari yemukuwasha wavo, akangozivikanwa saSifelani, iyo yavanoti yakatanga kutaura zvekunwa doro zvakapesana nezvaive zvataurwa naWaya.

Mushure bhokisi remufi rakazopinzwa mumba paine hurongwa hwekuti vazomuviga rechimangwana.

“Musi wataida kunoviga muchakabvu, mbuya vedu Synoria Kamota (67) vakasvika vachibva kumusha kuChiweshe vakasvikorova mukuwasha uyu nembama neshungu ndokutanga kumupopotera. Vakazoshevedza madzimai aiva panhamo iyi kuti vapinde mumba ndokuvhura bhokisi vachida kuona mutumbi. Ndipo pavakaona ziburi kugotsi kwaMercy. Vakapinza chanza chikanyura zvakaratidza kuti maisava nehuropi,” vakadaro VaMupindiko.

Kumakumbo kwemuchakabvu kunonzi kwakawanikwa kuine bhodhi raiva rakasungirwa mushonga, padumbu paine mafuta asina kuzivikanwa kuti imhandoyi.

“Mbuya ava vakasunungura bhodhi iri ndokuwana riine mushonga ndokuriratidza kuvakuwasha,” vakadaro.

Vemhuri iyi vanoti havana kumboita pfungwa dzekuvhura kuti vaone mutumbi apo bhokisi raiva rakangovharwa kusvikira ambuya vakabva kuChiweshe vasvika. Kunyange hama yavo yakaenda kuSouth Africa inonzi haina kuona mufi vachiriko.

“Taona mamiriro ezvinhu aya, nyaya iyi takazoimhan’ara kumapurisa mutumbi ndokutakurwa nemapurisa. Takaona kuti mutumbi waiva nemaronda kumusana uye mapfupa ake aiva asina kutyoka zvaifanirwa kunge zvakaitika kumunhu akazvidonhedza,” vakadaro.

Mbuya Kamota vanoti vagara vachioneswa zvakavanzika izvo zvakaita kuti vafumure nyaya iyi.

VaAbednigo Mupindiko (57) vanoti vakarwadziwa nerufu rwemwana wavo.

Amai vemuchakabvu, Annah Mangosho (53), vakangoti:

“Mwana uyu akanditiza achidzokera kuSA achindisiira mwana wake ane makore mashanu.”

VaStaffred Mupindiko vanoti vanotarisira kuti nyaya iyi sezvo yave kumapurisa, ichaferefetwa zvakanaka.

Vakati mutumbi weMercy wakaongororwa nanachiremba kuchipatara cheParirenyatwa nemusi weChipiri svondo rino kukabuda kuti akanga ashaika nekuda kweronda guru raiva kugotsi. Mutumbi waMercy waitarisirwa kuvigwa nemusi weChitatu muHarare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>