Akasungwa zuva remuchato

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Akasungwa zuva remuchato

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAMWE samusha vanoti vakagurwa kunorira neaimbove mudzimai wavo uyo akavasungisa nemapurisa pazuva ravaichata nemukadzi wavo mutsva nenyaya yemari yemendenenzi, zvisinei nekuti vaive vabhadhara mari yose yavakatarirwa nedare.

Milton Murambiwa akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court apo akamhan’arira Samantha Muronzi achiti ari kumushungurudza.

“Uyu aimbova mudzimai wangu asi zvaari kundiitira ndizvo zviri kuita kuti ndisade kumuona. Anoenda kumusha kwevabereki vangu achinotaura mashoko asina kufanira zvekuti kana vabereki vangu havachada kumuona,” anodaro Murambiwa.

Anoenderera mberi: “Anouya kubasa kwangu akatotsamwa kare zvekuti kungondiona, anotanga kupopota. Akatosvika pakuuya nekumuchato wangu nemudzimai wangu aine mapurisa achiti ari kuda mari yemendenenzi.”

Anoti chinomurwadza ndechekuti Muronzi akamusungisa musi wemuchato wake zvisinei nekuti akange abhadhara mari yose yemendenenzi yaidiwa.

“Mukadzi akaoma iyeyu, akandisungisa pamuchato wangu asi mari yacho ndaive ndakabhadhara, kunyangwe zvangu ndichifungidzira kuti mwana wacho haasi wangu,” anodaro Murambiwa.

Muronzi anoti chaanoda chete kuti Murambiwa achengete mwana wake.

“Chandakatadza hapana, ndaingoda kuti abhadhare mari yemwana saka pamuchato wake ndipo pandaiziva kuti ndinomuwana uye ave kuti mwana haasi wake hameno kuti achiri kuzvifungirei nekuti pakaitwa maDNA mwana akanzi ndewake. Ngaabhadhare mari,” anodaro Muronzi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Murambiwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey