Akatekeshwa nesimbi vachirwira murume

11 Aug, 2017 - 00:08 0 Views
Akatekeshwa nesimbi vachirwira murume court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUDZIMAI wekuti akatemwa kumeso nesimbi nemumwe mukadzi achimupomera kudanana nemurume wake ndokusara akuvara zvakanyanya ave kudunura kuti akapihwa mbonje yeupenyu hwose uye anoda kuti adzoserwe mari yaakashandisa pakurapwa kuchipatara.

Patience Rareki akamhan’arira Elizabeth Kuvarata kudare reHarare Civil Court achiti anoda kuti amudzosere mari yaakashandisa mukurapwa zvichitevera kumutema nesimbi kwaakaita.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti amai ava vandipe mari yandakashandisa pakurapwa. Vakandirova nesimbi kumeso vachiti ndinodanana nemurume wavo. Ndakambozviita kudhara ndisingazive kuti ane mudzimai, asi pavakazonditema ndainge ndatosiyana nemurume wavo,” anodaro Rareki. Anoti iye zvino ava nechirwere chemoyo uye paainge akakuvara aisakwanisa kushandira mhuri yake apo akarasikirwa nemari inosvika $400 pamwedzi mina yaaive asingaite basa rake rekutengesa muguta reHarare nekuda kwekukuvara.

“Iye zvino ndava nechirwere chemoyo, uye mavanga ari kumeso kwangu ndeeupenyu hwese. Pandainge ndichirwara ndakaruza mari inosvika $400 pamwedzi mina. Ndinotengesa madhonanzi muguta reHarare saka mari iyoyo ndinoida, kusanganisira $85 yekurapwa,” anodaro

Kuvarata anoti hapana mari yaari kuzopa Rareki nekuti ane imwe mari yaakamupa kare yekuti arapwe. “Ndakamurova nekuti aidanana nemurume wangu, zvakandirwadza ndikatadza kuzvidzora. Handina mari yandinomupa nekuti mota yakamutakura kuenda kuchipatara ndini ndakaibhadhara ndikamupa zvakare $70 pamusoro.

“Mukadzi uyu aiva netsika yekuuya kumba kwangu kana murume ariko asi ini handina musi wandakambotevera murume kumba kwake, izvozvo zvaindibhowa. Pa$70 yandakamupa, $50 yacho ndakamupa pamberi pemupurisa mushure mekunge auya achiti anoda mari yaakarapiswa,” anodaro.

Rareki anoti hapana mari yaakapihwa naKuvarata.

Mutongi Amanda Muridzo akati nyaya iyi ichapinda mudare zvakare munguva inotevera apo Kuvarata anofanira kuuya nemupurisa waari kuti aivepo paakapa Rareki mari.

Share This:

Sponsored Links