Uncategorized

Akauraiwa Nemuti Weraki

12 Feb, 2016 - 00:02 0 Views
Akauraiwa Nemuti Weraki LOVENESS JOHN

Kwayedza

LOVENESS JOHN

LOVENESS JOHN

Muchaneta Chimuka naDaphne Machiri
MUKADZI wepaTsanga Farm, mumugwagwa unobva muHarare uchienda kuChitungwiza, akafa achidemba kuromba mushonga weraki kwaakaita uyo unonzi wakamupandukira ukasanduka kuita nyoka nerwaivhi izvo aifungidzira kuti ndizvo zvakakonzera hurwere hwakazomutora.

Loveness John (42) akashanyirwa neKwayedza kumba kwake svondo rapera ndokuita hurukuro naye mazuva mashoma asati ashaya apo aiyuwira nekuda kwehurwere hwakange hwagodza.

Muhurukuro yakakumbirwa nevemhuri yake, Loveness akati akapihwa mushonga kana kuti muteuro wetumiti tuviri nemumwe muporofita wekuWaterfalls, muHarare, achinzi ndewe raki.

Muteuro uyu ndiwo unonzi wakazosanduka tumiti tukaita nyoka nerwaizvhi.

Loveness akatanga nekuti: “Ha-a, ndaneta manje . . . ndiri kurwara. Ndakatsvaga mushonga weraki neshamwari yangu inonzi Mary apo taiita mabhindauko ekutengesa zvinhu zvataihodha.

“Zvakare taiita chipfambi, kunyanya pa(zita reimwe nzvimbo yekufarira) nekukambani ye(zita remugodhi weplatinum).

“Tumishonga utwu ndakatupihwa turi tumuti tuviri twegreen neyellow naMadzibaba Gonyeti vekuWaterfalls vakanditi ndiise muwadhiropu. Ndaifanirwa kuzoenda kubako kwaBeta, kwaSeke, kunosiya rice (mupunga) ma2 kgs rekupa nyoka semhiko yatakaudzwa nemuporofita uyu.

“Tainosiya rice iri pamwe naMary, mumwe nemumwe akabata rake takafuga machira egreen uye zvinhu izvi zvaidyiwa nenyoka pabako apa.”

Loveness akaenderera mberi nekureurura mabasa ake achiita zvekutambura arere.

“Asi, ndinoda kuti mundidaidzirewo Mary auye. Ndiye akabata upenyu hwangu, munin’ina wangu akamudzinga pano. Ndinoda kureurura Mary aripo.

“Ndichafa ndatambura hangu, apa ndinorarama neutachiona hweHIV. Hapana achada kunonditotera mishonga yangu (maARV) kubvira pakaonekwa mishonga yangu nehama dzangu.

“Ndave nemwedzi mishanu ndisinganwe asi Mary aimbouya achindibatsira sasahwira. Sezvineiwo, akazodzingwa nemunin’na wangu sezvo ndakabata mishonga naye.

“Ndinonzwa ndichipindwa nenyoka kusikarudzi yangu, ichindisunga nechekumakumbo. Mushonga kana kuti muteuro waiva muwadhiropu yangu uya wakasanduka ukaita nyoka.

“Zvave kundikunda, Mary ngaauye kani ndipone!” akadaro Loveness achizama kudaidzira arere.

Mumwe muvakidzani wavo, Regina Ndlovu (32), anoti akapisa mishonga yaisanganisira bute raive muwadhiropu apo aibatsira munin’ina waLoveness, Getrude, kugadzira mumba umu.

Achingopedza kupisa mishonga iyi, anoti akabva atanga kurwara.

“Ndakashevedzwa nemunin’ina waLoveness kuti ndinomubatsira kushambidza murwere nemuimba yaanorara. Mukurongedza hembe dzaive muwadhiropu, ndipo pandakaona mishonga yaive nemavara akaita yellow negreen nemamwe akasiyana uye bute nezvimiti zvakamonwa sefodya yechimonera.

“Saka ndakangoti zvinhu izvi zvinotsvagei mumba mune murwere ndokubva ndazviburitsa panze ndokuzvipisa ndisingazivi kuti zvichandidzokera. Kubvira ipapo ndakatanga kurwara ndichipindwa nechando zvekuti chero zuva rakacheka nyika, ndinofuga magumbeze sezviri kuita murwere Loveness ari mumba uyu,” akadaro.

Anoti akaona zvakare jira jena raive rakanyorwa mazita evanhu vemumhuri yaLoveness uye zita raive pekutanga riri remunin’ina wake, Getrude.

“Pandakaona mishonga iyi, ndakangofunga kuti yaive iye inoshandiswa nemadzimai kuti bonde rifadze, inopfekwa kusikarudzi. Handina kufunga kuti ine chekuita nekuromba ndokusaka ndakaipisa pasina kutya. Ndave kutya izvozvi nekurwara kwandave kuita,” akadaro.

Getrude (40) uyo akabva kuSouth Africa kuzopepa mukoma wake, anoti vatambura nekuda kwemuteuro kana kuti mishonga yakarombwa naLoveness.

“Ndakadzoka ndanzwa kuti Loveness arwarisa ndikauya tikamuendesa kuchipatara kuHarare Central Hospital. Akagarako kwemazuva maviri akazoburitswa nekuda kwekuti akanga ave kuita makakatanwa nemachiremba. Ndakasvika kuseni ndichida kumuona ndikanzwa kuti amuka, akabata chiremba pahuro, akamudira bhaketi reweti yake,” anodaro Getrude.

Anoti kubvira musi wa16 Ndira pakadzoka Loveness kumba achibva kuchipatara, vange vasingarare zvakanaka pamba pavo nekuda kwemashiripiti aingoitika.

“Iye zvino tava nemavhiki anopfuura maviri hatina rugare navo sisi vangu. Vakarara husiku vanoti ndisvinei padumbu ndapindwa nenyoka kusikarudzi yangu vachishevedzera vachiti ndibvisei nyoka yandisunga makumbo.

“Machiremba chaiwo akashamisika kuti simba anoriwanepi munhu ave nemwedzi asingadye. Loveness akazotaura oga achiti akaenda kun’anga nemaporofita kasingapere aina Mary uko vakanopihwa mishonga yemaraki naMadzibaba Gonyeti. Akatsanangura zvakare kuenda kwavaiita naMary kunopa nyoka mupunga,” anodaro Getrude.

Anoti pamba pavanogara vanoona mashiripiti, kusanganisira kunzwa mumba muchirongedzwa asi musina munhu arimo.

“Tinonzwa munhu anofamba kunze achitenderera nemba akapfeka gogo dzichirira kunyangwe pasi pari panyoro sekunaya kwakaitika mazuva apera. Zvakare, mumba mekurara tinonzwa muchirongedzwa asi hatione munhu wacho, kunyangwe zvazvo mandiro anenge achigwedebudzwa.

“Muviri wangu ndinonzwa uchifambwa nechinhu chinenge zongororo ndakarara asi pandinomuka ndinoona pasina chiripo.”

Getrude anoti rimwe zuva achirongedza mumba, akaona mucheka waive wakanyorwa mazita evanhu vemumhuri mavo, kusanganisira vashakabvu.

“Mukurongedza mumba, ndakaona mucheka muchena wakanyorwa mazita evanhu vemumhuri nevana vasisi vedu vashakabvu, kusanganisira nerangu ini, Getrude John.

“Mamwe mazita aivepo ndeanoti raRosina Bvunza, mwana wasisi vedu vakashaya; Tinani John, mwana wasisi zvakare; Hazvinei Mamvura, munin’ina wedu wekudivi raamai; rake iye Loveness neraCossamu Chaitezvi, mwana wake, akanyorwa padivi pawo oga,” anodaro Getrude.

Anoti paakabvunza Loveness nezvejira iri, haana kumupa tsanangudzo yakajeka.

“Ndakamubvunza akati aida kuti timucheuke nekumuchengeta. Akati shamwari yake Mary anoziva zvinoreva mazita aya. Loveness ari kuti kana akafa anoda kuvigwa nemidziyo yake achiti anenge angoitora bedzi anotakurana nemakona ake zvikazomunetsa.

“Vhudzi rake raive mhotsi akarigera ndokurichengeta achiti rizopihwa mwana wake kana afa. Anoti vanorota makomba emakuva uye haakwanise kufa nekuda kwekuti haasati areurura zvavakabata,” akadaro Getrude mukoma wake achiri mupenyu.

Getrude anoti vakashevedza maporofita akawanda nekuda kwematambudziko avari kusangana nawo uye vose vaingonongedzera Loveness vachiti ndiye akaromba.

“Mai vedu vakafa zvisina kunzwisisika, sisi vangu vakatengesa imba yababa vedu vakapengesa baba futi. Kana mwana wavo, Cossamu, akazungaira-zungaira.”

Anoti pedyo nepamba pavo, pane nyoka inotandanisa vanhu vehukama chete.

“Pane nyoka yanetsa inotandanisa vanhu vehama. Iye zvino iri kugara pachisango chiri padyo nepamba zvekuti hatirare nekutya kuti ingativinge,” anodaro Getrude.

Zvakadaro, Mary anoramba zvose zvaaipomerwa zvekuti akanotsvaga mishonga yekuromba naLoveness uye kuti vaiita chipfambi vose.

“Taienda tese ku**** (zita remugodhi weplatinum) uko tainotengesa nhumbi asi iye aizosara kwemavhiki maviri achifara ini ndodzoka kumba,” anodaro Mary.

“Ini handina kana mishonga yandakabata, ndini sahwira wake ndakabata upenyu hwake. Ndakatamba naye kwemakore 15, ndaimurapisa achirwara nekunomutorera mishonga.

“Ndini ndakamusainira paaida mapiritsi emaARV pamwe neechirwere cherurindi (TB). Akarwara uye zvakamuitisa kuti arwarise kuchinjwa mapiritsi akaramba kudairana naye,” anodaro Mary.

Anoti Loveness aipika achiti haambofa akada kuenda kuchechi nechikonzero chaasina kuziva.

“Zvejira ini ndakariona asi handizive kuti rairevei uye kumaporofita aienda oga.”

Mwana wemukoma waLoveness anonzi Rossina Bvunza anoti ndiye ange ava nemakore achigara naLoveness uye haana remuromo nezvaaiona.

“Hatirare, pane nyoka yanetsa inomhanyisa hama dzinouya kuzoona murwere.

‘‘Rwaivhi rwakauya rwukarambira pamusiwo wemba tikarwurova nekudira munyu asi harwuna kana kuchinja ruvara.

“Rwaive rwakakura, rwuchityisa rwuine ruvara rwakafanana nenyoka yanetsa iyi. Rwaifamba rwusingambovhunduki uye takazongoona rwanyangarika, zvikatinetsa,” anodaro Bvunza .

Mai Jerama Samhu (63), vanova sarapavana mumhuri yanaLoveness, vanoti vaoneswa chitsvuku nemishonga yakarombwa nemwana wavo.

“Mwana wangu Loveness akabata mishonga yakaipa.

‘‘Kubva zvaatanga kurwara ndakauya ndichimuona, ndakasvika ndikagara pamucheto pemubhedha wainge arere. Akandibata pahuro nenzara akati, ‘Yaa, nhasi ndakuwanikidzai. Ndoda kukuurayayi’. Ndipo pandakamurova negokora akabva adonhera pamubhedha akatanga kuti ndiregererei amai hameno zvange zvandibata.

“Asi kubva musi uyu, handiswedere padyo naye. Zvenyoka anozvitaura nguva nenguva achiti ndisunungurei ndabatwa nenyoka mumakumbo,” vanodaro Mai Samhu.

Mai Nhapi Ngali (46), avo vanova mainini vaLoveness, vanotiwo vakambomhanyiswa nenyoka inogara pedyo nepamusha uyu.

Zvakadai, Loveness akazoshaya nemusi weChina svondo rapera, mazuva mashoma aita hurukuro neKwayedza uye akavigirwa kuTsanga Palson Retreat Cemetery, muHarare.

Getrude anoti vakamuviga pamwe chete nevhudzi rake remhotsi iro akange agerwa achiri mupenyu raaiti aida kuti ripihwe mwana wake paanezenge afa.

“Takavaviga musi weMugovera kuno kwaTsanga. Takavaviga nevhudzi ravo asi vachiri vapenyu vaiti vanoda kuti rigozopihwa mwana wavo.”

Akati midziyo yaLoveness yakagoverwa kuhama.

“Hatina chatakasara nacho, midziyo yose nenhumbi zvakagovewa. Ini hangu ndakatora chipfeko chimwe chete zvechirango,” anodaro Gertrude.

Loveness asati afa anonzi akati aida kuvigwa pamwe chete nemidziyo yake yose achiti anoitora aizosangana nematambudziko.

 

Share This:

Sponsored Links