Akazvamburwa arutsira mubhawa

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Nyore Madzianike
MUKADZI wekuMabvuku neshamwari yake vakatarisana nemusuwo wejeri mushure mokuzvuvirwa kudare vachipomerwa mhosva yekurova pamwe nekubira mumwe mudzimai ainge amurutsira mubhawa. Nyarai Ngwerume (33), uyo anogara panhamba 32 Gwababa Street, Chizhanje neshamwari yake, Sheila Marowa (28) wepa27 Mabvuku Drive, vakamiswa pamberi pemutongi Don Ndirowei wedare reHarare Magistrates’ Courts vachipomerwa mhosva yokurova nekubira Laina Kawara, anogara pa8227 New Tafara, mari inosvika US$30.

Vakadzi ava vakanzi mumwe nemumwe wavo abvise US$20 yebhera kana vachida kutongwa vachibva kunze uye kuti vasavhiringane nevafakazi nyaya yavo isati yapera kutongwa.

Muchuchisi Sharon Mashavira akaudza dare kuti nemusi wa19 Chikunguru gore rino, Laina nemurume wake vakaenda kunonwa doro paRed Lips Sports Bar kuMabvuku apo panova ndipo panonwirawo Nyarai naSheila.

Pave pakati pehusiku, Laina anonzi akatanga kunzwa kuda kurutsa apo akasimuka ndokuudza murume wake kuti ainorutsira kuchimbuzi asi zvakamubata zvokuti haana kukwanisa kusvika achibva arutsa achiri munzira.

Muchuchisi Mashavira akati marutsi aLaina anonzi akaenda kumusana waNyarai izvo zvisina kumufadza pamwe neshamwari yake. Laina anonzi akaedza kukumbira ruregerero kuvaviri ava asi zvakashaya basa vachibva vatanga kumurova nezvibhakera.

Nyarai naSheila vanonzi vakazotora mugomo wemvura vakadira Laina uye vakazomubira US$30 yake panguva iyi.
Laina akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvakaita kuti vaviri ava vasungwe.
Mutongi Ndirowei akati Nyarai naSheila vadzoke kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey