Uncategorized

Akazvara datya benyu

14 Oct, 2016 - 00:10 0 Views
Akazvara datya benyu Mai Nyathi vachitsanangurira vanhu vaive padare raMambo Njelele zvakaitika apo vakazozvarwa chipuka chinenge datya.

Kwayedza

Freedom Mupanedemo ari kuGOKWE
MUNYAYA yakasiya vagari vekwaSidojiwe, kwaMambo Njelele, kuGokwe, vasina neremuromo, mumwe mudzimai weko ane makore 36 ekuberekwa akaita marwadzo emimba yake yainge yatosvika ndokusununguka datya. Mudzimai uyu, Mai Nyathi, akange aine nhumbu ine mwedzi misere uye akasununguka chipuka chinotyisa chakafanana nedatya mushure ndokuzoendeswa kuGokwe District Hospital nemurume wake, VaNomore Nyathi, uko chipuka ichi chakasvikofa.

Vaviri ava vakachengeta chipuka ichi mubhedhuru mavo kwemazuva akati kuti dakara vamwe vanhu vemunharaunda yavo vanyevera Mambo Njelele, VaMoses Misheck Njelele, nemasabhuku enzvimbo iyi vanove vakaita ongororo vachibva vazoita kuti chinhu ichi chichipiswe pamberi pechaunga.

Nyaya iyi ndiyo yangove pamiromo yeveruzhinji mudunhu reGokwe uye yakaitika nomusi weChina chadarika.Mumwe mushandi wepachipatara apa anotsinhira nezvechiitiko ichi achiti Mai Nyathi vaitogara vachienda kuchipatara kunotariswa pamuviri pavo sezvinongoitwa nemamwe madzimai anenge akazvitakura uye zita ravo riri mumagwaro evakadzi vane pamuviri.

Anoenderera mberi achiti Mai Nyathi vaifanira kusununguka kupera kwemwedzi uno, Gumiguru.

“Akange ari murapwa wepachipatara chino. Aigara achiuya kuzotariswa nhumbu yake zvekuti takatoshamisika pazuva raakauya nemurume wake achiti azvara datya,” anodaro mushandi wepachipatara ichi uyo asina kuda kudurwa zita rake nekuda kwemitemo yebasa rake.

Mupi wemashoko wepachipatara apa, uyozve asina kuda kudurwa nezita rake, anoti vakazopa mudzimai uyu mishonga yekuderedza marwadzo mushure ndokumuburitsa muchipatara.

“Akange asvibisa mbatya dzake neropa izvo zvairatidza kutiakamboita marwadzo emimba asi zvimwe zvinhu zvose zvakange zviri kuratidza kunge zvakamira zvakanaka paari,” anodaro.

Chikwata chevatapi venhau cheZimpapers Syndication pachakashanyira dunhu reNjelele chakaona chaunga chaive chakaungana kwamambo uko mudzimai uyu nemurume wake vaivepowo paipiswa chipuka ichi.

Vachitaura nevatori venhau, Mai Nyathi vanoti vakange vakangochengeta “mwana wavo” nekuti vachiri kuvhiringidzika mupfungwa kuti voita sei naye.

Mambo Njelele vanoti kune zvinhu zvakawanda zvinokahadzisa zviri kuitika mudunhu ravo asi nyaya yedatya iyi yavashaisa zano.
Zimpapers Syndication.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>