Uncategorized

AKAZVIURAYA AMOMOTERWA NEZVIKWERETI

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
AKAZVIURAYA AMOMOTERWA  NEZVIKWERETI

Kwayedza

MUKADZI wemubhuku raKwaramba, kwaSeke, akafa nekuzvisungirira mushure mekunge amomoterwa nezvikwereti zvemari zvaaitora murume wake asingazive.

Mari yekukwereta iyi inonzi yange yasvika $850.

Mudzimai wemunhu uyu anonzi akazviuraya apo nyadzi dzezvikwereti dzakamukunda uye anonzi ange ava kunetswa nevaridzi vemari yacho.

Mushakabvu Gladys Murengwe (45) anonzi akawanikwa akazvisungirira pamuti nemusi weChina, 19 Mbudzi padyo nemusha wavo mushure mekunge atiza pamba.

Zvinonzi paakazozviuraya apa, akange amboenda kuSouth Africa kunozivisa mukoma wake, Ebba Murengwe, nekuda kwenyaya yaimunetsa yezvikwereti izvi.

Gladys anonzi aikwereta mari iyi kuzvikwata zvekukweretesana zvinoitwa nemadzimai kudunhu iri zvinodaidzwa kuti Mikando.

Murume wake, VaMax Kondo (45), vakatsinhira kufa kwemudzimai wavo nekuda kwezvikwereti izvo vakati vaisaziva.

“Mukadzi wangu akafa nekuzvisungirira, takatomuviga musi weMugovera, 22 Mbudzi kuno kumusha. Inyaya yakandirwadza zvikuru nekuti taigara zvakanaka, handizive kuti akapindwa nei kuti apote achitora zvikwereti ndisingazive.

“Aiita zvekuenda kuSourth Africa achinohodha asi handizive kuti ndiko kwaishandiswa mari iyi here,” vanodaro VaKondo.

Vanoti mari yakazoita kuti mudzimai wavo azviuraye yaikwana $850 uye havazive kuti kune zvimwe zvikwereti here sezvinhu zvaiitwa muchivande.

“Dai akanditaurira ndingadai ndakatsvaga nzira dzekuwana mari iyi ndakaidzosera pane pfungwa dzaakazoita idzi. Nyaya iyi yaiitwa muchivande kudzimara yakazonobudira kumukoma wemudzimai ari kuSouth Africa uko akaenda ndokunodura nyaya iyi yaimunetsa.

“Maiguru vakamuti vaizomubatsira neimwe mari yaiva kuno kuZimbabwe iyo yakazoramba kubuda vadzoka, zvakazokonzera kuti vazouya kuno kumusha vachizviuraya,” vanodaro VaKondo.

Gladys anonzi aitora zvikwereti zvemari iyo aifanira kuzodzosera yabereka imwe pamusoro.

“Ndakatanga kuona nekuwonda kwemudzimai wangu, achiita seanorwara ndichimubvunza pasina zvaaitaura asi isu tichidya nyama mazuva ose. Vechikwereti vaimunetsa vachida mari yavo iye asingataure kusvikira apo anonzi aivatumira mashoko ekuti achazviuraya.”

Murume uyu anoti mushure mekunge mudzimai wake aenda kuSouth Africa, maiguru vake vakazomuridzira nhare vachitaura nyaya iyi.

“Musi wakabva mudzimai wangu ku’Joburg akanosvika kumwana

Endai kuPeji 21

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>