Uncategorized

Akazviuraya anzi mwana haazi wako

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Akazviuraya anzi mwana haazi wako

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MURUME wekuKuwadzana Extension, muHarare, akafa svondo rapera apo akanozvisungirira pamba pemukadzi waaidanana naye kuEpworth mushure mekunge mukadzi uyu amuudza kuti mwana waaifungira kuti ndewake haazi wake.

Aaron Nyamungondo (37) wepanhamba 10790 Kuwadzana Extension anonzi akanozvisungirira pamba panogara Olinda Bundu, panhamba 6641 Overspill, kuEpworth mushure mekunge audzwa chokwadi.

Mukubuda kwenyaya iyi, zvinonzi mukadzi uyu akaudza Nyamungondo kuti mwana waaifungira kuti ndewake aive wemurume waakambenge arambana naye asi zvino vakadzokerana.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muguta reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vakafonerwa nemusi weChitatu kuma06:20hrs vachiziviswa kuti kune munhu ainge azvisungirira mumuti pamba peshamwarikadzi yake kuEpworth mushure mekunge pamuka gakava nenhau yemwana akaitwa naOlinda Bundu, uyo akamutaurira kuti haazi wake. Olinda akange akarambana nemurume wake uyo anoshandira kuSouth Africa anonzi Ruvengo Mutunga.

“Saka muna 2016 akaita pamuviri achibva azosununguka mwana musikana muna Ndira 2017. Mufi aifunga kuti mwana uyu ndewake asi Olinda akamutaurira kuti akange asiri wake achiti ndewe murume waakambenge arambana naye uyu uye kuti vakadzokerana,” vanodaro.

Asst Insp Chazovachii vanoti Nyamungondo haana kugamuchira zvainge zvataurwa naBundu achibva atanga kumutumira mashoko panharembozha yake ekuti anoda kuzviuraya nekuda kwenyaya iyi zvikazoita kuti aende kunozvisungirira pamba pemukadzi uyu.

“Tinokurudzira kuti veruzhinji kuti kana vachinge vanetsana kana kusangana nematambudziko anovadzimba mwoyo, vasafira mukati zvekusvika pachidanho chekuzvisungirira nekuti upenyu hwakakosha.

Zvakakosha kuti vanhu kana vachinge vawirwa nematambudziko erudzi urwu, vatsvage rubatsiro kuvapangi vemazano vari pedyo navo semapurisa. Kupangwa mazano uku kunoitwa pachena. Nyaya dzakadai dziri kuwanda asi tinokurudzira kuti vanhu vakoshese upenyu kutanga,” vanodaro.

Asst Insp Chazovachii vanoti mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>