Kwayedza
Zvinodiwa:
Moto une marasha
Chitofu
Munyu
Hanyanisi
Magaka nematomatisi
Muriwo munyoro werudzi rweLettuce
Mafuta
Mhiripiri
Magochero:
Kuhwidzai moto kuti uve nemarasha akawanda motora nyama yakasiyana- siyana moisa mumafuta nemunyu.
Kana moto wava nemarasha, isai nyama yese pachiwaya (braai stand) mopota muchipindura-pindura kusvikira yanyatsotsvukirira
Chekai magaka, hanyanisi, matomatisi mosanganisa nemuriwo welettuce. Chekai nyama muzvidimbu moisa mumbiya kana mumapureti ekudyira.
Idyai muchifara pamwe chete nemhuri pamwe seshamwari.