Amai vakayanikwa pachena

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Amai vakayanikwa pachena Miriam Sondayi akabata Steven Sondayi kora apo aive asvikirwa nemweya

Kwayedza

Ngoni Dapira ari kwaMUTARE
MWEYA wemurume wekuZaka anofungidzirwa kuti akafa makore gumi adarika wakazonunura mwanasikana wake ane makore 24 okuberekwa, uyo waakaita nemumwe mukadzi, uchipomera mukoma vaamai vemusikana uyu kumupa rushambwa nekuda kwegodo kana kuti shaisano.Mweya uyu, uyo wakazviti ndewemushakabvu Crispen Mapurisa Chidembo, wakatanga kubuda pana Miriam Sondayi, wemubhuku rekwaMuchakagara kuNhedziwa, kuChimanimani, svondo rapera.

Izvi zvakaitika apo vatendi vechechi yeZion Apostolic Faith Mission Church vainamatira munzvimbo iyi.
Mweya uyu wakaita chivindi chekutaura panhare nevebepanhau redu reThe Weekender (iro rinove chikamu cheManica Post) kwaMutare, uchikoka vatori venhau kuti vavepo pachenuro yakaitwa neMuvhuro svondo rino. Vatori venhau pavakasvika panzvimbo yaiitirwa chenuro iyi, vakaoneswa chitsvuku nevamwe vemhuri yaMiriam.

Mumwe anonzi Morris Sondayi aida kuziva kuti akange avashevedza ndiani izvo zvakazoita kuti mukuru mumhuri iyi, Steven Sondayi, ataure kuti apo muzukuru wake Miriam aive akabatwa nemweya ainge ambovayambira kuti vatori venhau vaiuya.

Muporofita anonzi Peter “Baba Peace” Khumbula, uyo ainzi ndiye aizogadzirisa mweya waive pana Miriam akatora nguva asati asvika. Mushure mekumirira muporofita uyu kwemaawa anokwana matatu, mweya uyu wakademberera vatori venhau kuti vaite moyo murefu kuti vagoziva mafambiro aiita nyaya iyi.

“Musati maenda, ndinoda kuti muzive zvakadzika-dzika pamusoro penyaya iyi. Zita rangu ndinonzi Crispen Mapurisa Chidembo, ndinobva kubhuku rekwaChapfuwa, kuZaka.

“Ndinoda kuti vekwaSondayi vasunungure vana vangu. Kushungurudzika kuri kuita mwana wangu ndiko kwaita kuti ndive pano.
“Mwanasikana wangu ari mudambudziko nekuda kwekushandiswa kwemishonga. Mhuri yekwaSondayi ndiyo yandishevedza pano. Mwanasikana wangu iye zvino ave nerushambwa nekuda kwemishonga yenyu. Hazvisi kubva kudivi revekumhuri yangu uye ndinoda kuti mutaure chokwadi,” wakadaro mweya waibuda pana Miriam.

Mweya uyu wakabva wanongedzera amaiguru vaMiriam – Tinotenda Sondayi – uchivapomera kuve nemoyo wakaipa pamwe nehutsinye nekukonzera minyama muupenyu hwemwanasikana waChidembo.

“Iwe (achinongedzera Tinotenda Sondayi), uri kuziva bundu rauinaro. Wakasara uchinzi amai pavana uchapinda mudariro kuti ubvise zvawakaisa. Pupura pamusoro pechigumbu chaunicho nehanzvanzi yako (Steven).

“Nyaya yepfuma handiyo yandiunza pano asi inyaya yechigumbu chakakusunga (Tinotenda). Unoziva chigumbu chihombe chauinacho nehanzvadzi yako Steven. Wakasiiwa sasarapavana. Hongu, pane nyaya iri pamusoro peroora remwana wangu asi handicho chikonzero chandiunza pano. Ndiri pano nekuda kwechigumbu chako (Tinotenda) icho chakaita kuti uise munyama pamwanasikana wangu,” wakadaro mweya uyu.

Paakanzi apindure pamusoro pezvaitaurwa nemweya uyu, Tinotenda pakutanga akaramba kuti ane chigumbu nehanzvadzi yake. Asi mushure mekubvunzurudzwa nevamwe vemumhuri yake, akazobvuma kuti ichokwadi.

Akati chigumbu ichi chaibva pakuti Steven akadya mari yose yeroora remuzukuru wake.
“Ndini ndakaitwa sarapavana, asi wakadya mari yose yeroora. Handitomboziva kuti wakapihwa marii,” akadaro Tinotenda achifemuruka nehasha kuna Steven uyo aive akagara pedyo naye.

Pakazowiriranwa kuti Steven aripe mbudzi nhatu kuna Tinotenda kuti daka iri ripere.
Khumbula akazosvika panzvimbo iyi nenguva dza5 zuva rodoka apo nyaya iyi yakange ichiri pakati.

Akazochenura Tinotenda naMiriam nekuita zvakasiyana izvo zvaisanganisira kushandisa chipiyaniso, kudira mafuta mudhishi raive rizere mukaka achitaura nendimi.

Khumbula akazobata zvimwe zvinhu pamusha apa zvaisanganisira zino raakati ndere njiri iro rakawanikwa riri muimba yekurara yemwanakomana waTinotenda.

Chinhu ichi, icho chakatorwa mudenga remba, hachina akakwanisa kuchiongorora.
Khumbula akati Tinotenda ane nyora idzo dzaifanirwa kuparwa kuitira kuti acheneswe.

“Tichapara nyora idzi, asi musazodye chimwe chinhu musati mauya kumasowe. Munofanira kuuya nehuku nhema nechena, jira jena nevhu repamhararano yenzira. Pane mweya wakaipa uri pamuri unofanira kubviswa,” akadaro Khumbula.

Mweya waive pana Miriam, uyo waitsinhira zvaitaurwa naKhumbula, wakati une tarisiro yekuti dambadziko iri richagadziriswa mune zvakanaka kana chokwadi chikataurwa.

Zvakadaro, Chidembo haana kumbobvira aroorera mhuri yekwaSondayi zviri pamutemo sezvo akangoita vana vaviri nemushakabvu, Snikiwe, amai vaMiriam.

Mweya uyu wakatanga kubuda pana Miriam muna Chivabvu 2014 apo waida kuti mhuri yekwaSondayi iendese vana vaChidembo kumusha kwake kuZaka.
Kubvira paakabatwa nemweya uyu svondo rapera, Miriam ange asingadye kana kunwa chimwe chinhu.

Share This:

Sponsored Links