‘amai vangu muri satani’

16 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘amai vangu muri satani’ court

Kwayedza

— ‘Ndokusaka imi nababa muchipfeka mazitye’

Gamuchirai Muzanenhamu —
MWANAKOMANA wekuputa zvinodhaka pamberi pevabereki vake, mushure mezvo ovashungurudza zvose nemaroja avo achituka amai vake kuti ndiSatani, akazomiswa mudare redzimhosva.

Lovemore Mutsemwa akazomhan’arira mwana wake Nayman Mutsemwa kuHarare Civil Court.

“Ndauya kuno kudare nekuti mwana uyu andishungurudza saka ndati pamwe ndikamuunza kuno angashandure maitiro. Anoshungurudza kwete ini chete, asi naamai vake zvekuti tinoshaya pekupinda. Anotituka pamberi pemaroja, hanzi tinopfeka mazitye nekupona nemari dzemaroja zvekuti ndinoshaya chimiro uye kana akazvifunga naiwo maroja anonzwa nekutukwa,” anodaro Lovemore.

Anoti Nayman haana rukudzo nevabereki vake zvachose sezvo achiputa zvinodhaka varipo.

“Chinondishungurudza ndechekuti haashande kana kubatsira pamba asi atova nemakore 27. Akatodzidzawo kusvika Form 4, chaanongogona kumuka ogeza, otanga kunwa nekuputa zvinodhaka pamberi pangu naamai vake achitisvotesa nekutuka amai vake kuti Satani,” anodaro Lovemore. Achibvunzwa namutongi Nyasha Marufu kuti mari yekutenga zvinodhaka anoiwanepi iye asingashande, Nayman anoti anoiwana nenzira dzakasiyana.

“Sevakomana, mari haishaike. Tikangoiwanawo totenga, hazvina basa nekuenda kubasa, mari inongotsvagwa totenga zvatinenge tichida,” anodaro Nayman. Anoti haana dambudziko nechikumbiro chababa vake.

“Handina dambudziko nechikumbiro chababa, ndichaita zvavanoda,” anodaro Nayman. Mutongi Nyasha Marufu akapa Lovemore gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey