Amai vangu vairwa: Mosquito

24 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Amai vangu vairwa: Mosquito

Kwayedza

  • ‘Kana baba chaivo vaikwaturwa’

  • ‘Ndiko kwakabva chipo changu’

AIMBOVA nyanzvi munyaya yemutambo wetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika, anoti chipo chake chezvibhakera chakabva kuna amai nababa vake avo vaizivikanwa zvikuru mumubhawa emuMbare, muHarare, nenyaya dzezvimbokoma.

“Nyaya yangu yekurwa haina kungouya, asi kuti ine nhoroondo kubva kuvabereki vangu. Mudhara wangu aizivikanwa nekurwa mumabhawa emuno muMbare, kozotiwo amai vaizivikanwa muno. Hakuna kana murume aiti pwe-e. Vairohwa vose, kunyange ivo vamwe varume vaizivikanwa nekurova muno,” anodaro Mosquito.

Anoti baba vake, VaEmmanuel Alfonso Mazhawa, vakashaika mugore ra1996 kuchiti amai vake, Mai Magarate Alfonso, vakafa muna1992 apo vabereki ava vakanga vasiyana kare.

“Zvisinei kuti amai nababa vose vairwa mumabhawa kana mumigwagwa pasina aivakunda muzvibhakera, shasha chaiyo

yaiva amai nekuti mumabhawa mose varume vairohwa zvakaomarara vachitotiza. Kana ivo mudhara vaimbumurwa namuchembere apo vainge vachiri vose. Saka ropa revaviri ava rakabatana rikandipa simba rekurwa iro ndinaro nhasi.”

Kuburikidza nekurwa kwevabereki vake uku, anoti mhuri yavo yaityiwa zvikuru munharaunda yose iyi pasina vanhu vaigona kuvadenha.

Mosquito anoti vana vake vose vanomwe, vakomana vana nevasikana vatatu, vanotamba tsiva.

“Vana vangu vose ndevezvibhakera kwete zvemumigwagwa asi vanouya ndichivadzidzisa. Kunyange vakaenda kure vanotsvaga kwavanodzidzira zvibhakera, kusanganisira nemwanasikana wangu akaroorwa. Asi zvinoda kuzvibata chete kwete kuti anozoita zvibhakera nemurume mumba,” anodaro.

Anoti nyanzvi yevose pazvibhakera kamwanakomana kake kadiki kemakore matatu okuberekwa kanonzi Shaun.

Vamwe vana vaMosquito ndevanoti Norman, Magarate, Natasha, Zvenyika, Angel naInnocent.

Share This:

Sponsored Links