‘Amai vangu vakamitiswa’

12 Dec, 2014 - 21:12 0 Views
‘Amai vangu vakamitiswa’

Kwayedza

nyundoOrpah Mukotekwa
VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati aisada kubvisa mari yemendenenzi yekuchengeta mwana yaidiwa nemukadzi wake sezvo ari kuriritira amai vake avo vakamitiswa nababamukuru vake.Sam Nyapfumbi akataura mashoko aya muHarare Civil Court apo akamhan’arirwa nemukadzi wake, Precious Chura, uyo aida mari yekuchengeta mwana wake.

“Changamire vangu, baba ava vanondishungurudza, handina rugare pamba pandiri kugara nekuda kwemurume uyu. Nguva zhinji ndinozvambaradzwa kunge nyoka yapinda mumba, zvikuru kana ndichinge ndakumbira mari yekuchengeta mwana.

“Kutaura kuno ndiri munhu asisina chimiro munharaunda matinogara nemashoko andinoudzwa paruzhinji.
“Chikumbiriso changu kuti dare rindibatsirewo kuti baba ava vandipe $150 yekuti ndikwanise kuchengeta mwana waakandipa,” akadaro Chura

Akati aitoshamisika kunzwa murume wake achitaura mudare kuti ari kuchengeta amai vake mushure mekunge vamitiswa nababamukuru vake asi achitadza kuchengeta mwana wake.

Achipawo divi rake, Nyapfumbi akati mari yaidiwa naChura yakawandisa.

“Mari iri kutaurwa nemukadzi uyu yakawandisa, handimboikwanisi. Handione paine chikonzero chekuti ndibhadhare mari pamukadzi uyu sezvo ndirini ndiri kugara naye. Imwe mari yaanenge ari kuda kubva kwandiri ndeyei? Chaari kungoda chete kundidyira mari yangu, manje hazviite.

“Ini ndiri munhu anochengeta amai vangu avo vakapihwa pamuviri nababamukuru vangu mushure mekunge baba vashaika.

“Ndini zvakare ndiri kuriritira vanin’ina vangu vese kumusha saka mutoro wandiinawo mukuru zvakanyanya. Dai zvaibvira dare raindibvumidza kuti ndipe mukadzi uyu $50 chete sezvo ndiri kugara naye,” akadaro Nyapfumbi.

Mutongi Audrey Tarugarira akati Nyapfumbi abvise $100 pamwedzi yekuchengeta mwana wake uye Chura anofanira kuisawo chikamu chake vachibatsirana kuchengeta mwana.

 

Share This:

Sponsored Links