Amai vanoda kundiuraya?

26 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Ndiri murume ane makore 38 ekuberekwa, ndakaroora uye tine vana vatatu. Dambudziko rangu nderekuti amai vangu vakapa mukadzi wangu mushonga vachimuti andipfuhwire. Mukadzi wangu akatambira asi haana kundiisira mushonga uya.

Nyaya iyi ndakazoiziva ndaona mashoko munhare yemudzimai wangu. Pandakamubvunza akabvuma ndikamuti andipe mushonga uyu asi akamboda kuramba ndokuzondipa pava pashure. Mushonga uyu ndakaupa kiti ikabva yafa. Mukadzi wangu anoti moyo wake wairamba kundiisira mushonga uyu muchikafu sezvaainge audzwa naamai vangu. Zvino ini nemudzimai tiri kungonetsana. Sekuru, ndodini nenyaya iyi apa ina amai vangu mukati?

MHINDURO:

Iwe muzukuru nevamwe vazukuru vangave nedambudziko rakadai, ndinoti itotenda mudzimai wako nekuramba kwaakaita kukuisira mushonga uyu muchikafu, ungadai wakafa sekitsi yawakapa. Dai mudzimai wako aine shavi rekuroya, angadai akabvuma zvaakaudzwa naamai vako. Saka mudzimu wake wakaramba kuuraya kana kuite ropa mumawoko memudzimai iyeye.

Moyo wake wakaramba, mudzimu ikakupangidza zvacho zvaide kuitwa. Kureva kuti mudzimai wako ane moyo wakanaka, uye akatokununura.

Ndinoti iwe unofanirwa kutotenda mudzimai wako, muwirirana uye muchigarisana mune zvakanaka nekuti dai asingakude angadai akakuisira mushonga uyu, nhasi usiko.

Nekuda kwekuti nyaya iyi ina amai vako mukati, inonetsa kungovaudza nekuti ungakoromore imwe ukapara mhosva inozoda kuripwa. Chinongodiwa bedzi kuti iwewe uchisimbiswa kuchivanhu kana kumachechi nekuti hazvizivikanwe zvichida amai vako vachiri kuedza zvimwe.

Kana wakwanisa, iwewe nemudzimai wako munogona kusvitsa nyaya iyi kumadzisekuru vekumusha kwaamai vako, mudzimai wako ovatsanangurira zvakaitika chaizvo. Ndivo vachafamba nemi kuti vanzwe chokwadi. Asi iwewe muzukuru hazviite kuti uudze amai vako, zvinhu zvinokuomera mangwana.

lBvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183

Share This:

Sponsored Links