Mbuya vanobhabhuriswa chitunha, vachikinditswa

0 Views

Kwayedza

MBUYA-MUPEKI-1

MBUYA Mupeki

MASHURA ekwaani akadaro? Chembere kuberekeswa chitunha chemunhu siku nesikati, ichibvutirwa chikafu mundiro kana mumapoto umo munozoonekwa mazara netsvina yemunhu, asi vacho vari kuita izvi vasingaonekwe.
Sezvinonzi izvi zvishoma, chembere ine makore anodarika 100 ekuzvarwa iyi inonzwa izwi rinoimanikidza kuenda pabonde netuvana tuduku.

Vanotaura vonoti aya mabasa ezvidhoma, zvikwambo kana kuti ana “tula”.

Iri ndiro dambudziko riri kusangana nechemebere yekuVillage 11, kumindamirefu yeBumbe, kwaShe Benhura, kuMhondoro-Ngezi. Yaoneswa chitsvuku nezvinhu “zverima”

Mbuya Muzvuzvapi Mupeki, avo anongonzi vane makore anodarika 100 ekuberekwa, vave kugara vachingozhamba vachiti vanorohwa nekuberekeswa mutumbi wemunhu wavasingazive, usiku nesikati.

Mbuya Mupeki, avo vachiri kufamba vasina mudonzvo zvisinei nezera ravo, vanoti havana rugare. Nguva zhinji vanenge vakaremerwa nemutumbi wemunhu uyo vanoti anenge akanamatira kumusana kwavo.

Vanoti zvakare vanotemwa nematombo kana nezvimwe zvinhu zvinongobva mumhepo nekubvutirwa chikafu chichiri mumapoto kana kuti chava mundiro.

Midziyo yavo, kusanganisira mapoto nendiro, inotorwa mumba ichipotserwa panze kana kudzimba dzevavakidzani. Anoita bhaisikopo remahara iri havamuone.

Mbuya Mupeki vanoti vane fungidziro yekuti maminimini aya ari kukonzerwa nemushonga wekurimisa, wedivisi, wavakapihwa neimwe n’anga uyo vakazorasirira murwizi vasisaude.

Mbuya ava nevazukuru vavo havasisina mbatya dzakawanda mushure mekunge dzangobatira moto waingotanga wega.

Pakashanyirwa chembere iyi neKwayedza svondo rapera, yakawanikwa yakapfeka pitikoti bedzi, vachiti vakange vasisina dzimwe hembe.

Muhurukuro navo, vanoti ivo nevazukuru vavo vatatu havana rugare pamusha apa sezvo vachirohwa nekubvutirwa chikafu pamiromo nemundiro, zvikuru nyama, nezvinhu zvavasingaone.

“Ndinogara nevazukuru vangu vatatu, tukomana tuviri nemusikana mumwe chete. Ava vana vemwanakomana wangu mudiki.

“Ndinoberekeswa chitunha chemunhukadzi icho ndinotaurirwa nezwi remunhukadzi kuti, ‘Takura munhu wako’.

“Ndinogona kuswera ndakachitakura ndichingonzi ‘usachiburutse’. Ndikagara pasi ndipo pandinonzwa ndarerukirwa, chaburutswa nemunhu wandisingaone.

“Ndinochiberekeswa nevanhu nezvidhoma zvinotaura neni izvo ndisingaone asi ndichitonzwa kuti makumbo emunhu akarembera nemawoko acho achitova pamafudzi angu,” yakadaro chembere ichiri kugwinya iyi.

Mbuya ava vanoti vakabika chikafu vanogona kuona mumapoto nemundiro musisina kudya, ringava sadza kana nyama. Panzvimbo yechikafu, vanoona mava netsvina yemunhu inenge ichipfumbuka hutsi. Vatori venhau apo vaiva pamusha uyu, Mbuya Mupeki vakaenda kubhedhuru kwavo uko vakadzoka vachiti mudhishi ravo raiva nefetereza vakawana mazara tsvina yemunhu, nguva iyoyo. Vatori venhau vakapindwa nekutya kukuru mushure mekunzwa izvi, izvo zvakaita kuti vatadze kutora mufananidzo wedhishi rainzi rainge rati kabu netsvina iri.

Mbuya Mupeki vakati zvidhoma izvi zvinovaudza kuti vapinde pabonde nepwere idzo vakadura nemazita kuvatori venhau.

“Izwi rezvidhoma rinonditaurira kuti ndirare netukomana utwu. Ndinonzi tora mwana uyu urare naye. Haisi mhosva yangu, zvinonditi ndikarega kuita izvi zvinondirova kana kundiuraya.”

Mbuya Mupeki vakabereka vana gumi, vakomana vose, asi vangosara nevana chete. Vanoti hapana mwana anoda kugara navo nekuda kwedambudziko ravainaro iri.

Vakaenderera mberi vachiti: “Murume wangu, Josiah Mupeki, akafa kare tichiri kugara kuBulawayo, kwaShe Dhlodhlo, kuInsiza. Ini ndaona kuti ndava shirikadzi ndakazotsvaga mushonga wekuti ndirimewo sezvinoita vamwe ndokutsvaga nyanga yekurima kune imwe n’anga yaiva tera pane chimwe chitoro. Nyanga iyi yakandishandira zvikuru ndikaita mombe dzaidarika makumi mana idzo takazouya nadzo kuno kuMhondoro uko tairima zvinotyisa.

“Ndakazoirasa apo ndakaiudza kuti ‘ndinotenda nezvawakandiitira’ ndokuisiya murwizi rwaTshlangani, padivi pedombo raiva mumvura ndikaiti ‘chienda zvako’. Pamwe ndiyo nyanga iyi iri kundipa matambudziko aya.

Hamheno, asi pandakaipihwa yakanzi yaisava neropa remunhu.”

Vanoti nyanga iyi yaiva yakamonerwa machira asi zvaiva mukati mayo havazvizive.

Chembere iyi haisisina kana mombe imwe chete sezvo dzimwe dzakafa, dzimwe dzikatorwa nen’anga nemaporofita vachiti vanogona kuibatsira mudambudziko rayo iri.

Rimwe dambudziko raMbuya Mupeki ndere kusanganiswa kwehupfu nemvura vachinzwa izwi rinovati ngavazvikambure semukaka. Mazwi ezvinhu izvi anonzi anonzwikwawo nevamwe vanhu vemumusha uyu asi vasina chavanoona.

VaLawrence Musorowegomo (59), vanova munyori wasabhuku, vanoti ivo mumwe wevanhu vakatemwa nematombo anobva pamusha pechembere iyi.

Vakati: “Ini ndakatemwa ndaenda ndichida kunonamatapo. Chanetsa iye zvino vanhu vakakumbirwa zvekudya nambuya ava vakavapa kudya kwacho kunoshaikwa. Zvave kuita kuti vanhu vatye kuvabatsira, mbuya ava vachafa nenzara.”

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey