ambuya vorova mukuwasha

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
ambuya vorova  mukuwasha court

Kwayedza

— Vakandiruma bendekete’

Gamuchirai Muzanenhamu —
SAMUSHA vekuendeswa kudare neaimbove mudzimai wavo vachinzi vari kumuonesa chakati tende vanoti ivo ndivo vari kuoneswa moto nemukadzi uyu achibatsirana naamai vake avo vakatombomuruma bendekete pavaimurwisa.

Aleck Mateka akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naPhatisile Simbachoto achiti anogara achimuitira mhirizhonga.

“Changamire, uyu aimbove murume wangu asi takasiyana. Zvino ava kuti pose patasangana anondituka nekundityisidzira.

“Anouya kumba kwedu owana kuina amai vangu obva atanga kuvatuka nekutoda kuvarova zvekuti tava kumutya nekuti agara munhu anoda zvejambanja,” anodaro Simbachoto.

Anoenderera mberi achiti Mateka anotuka nekutyisidzira wose waanoziva kuti anowirirana naye.

Mateka anopikisana naSimbachoto achiti haasi munhu anofarira zvekurwa asi kuti anoenda kunogara aimbove mukadzi wake uyu achida kuona vana vake.

“Handibvumirane nezvataurwa, handisi munhu anoda zvekurwa. Chinotozondipa kudaro ndechekuti amai vake vanenge vandirambidza kuona vana vangu apa ndinenge ndichida kumupa zvekudya zvevana. Ndipo pandinozoita zveruzha,” anodaro.

Anoti Simbachoto naamai vake ndivo vanoda kumurova nekuti havadi kubvunzwa nezvevana.

“Mukadzi uyu ndiye anoda zvekurovana neni, ndinonwa hwahwa saka kazhinji ndinosangana naye mubhawa. Ndikamubvunza kuti wasiya vana nani anotanga kuita zveruzha asi ndinenge ndichingodawo kuziva kuti vana vangu vasara nani.

“Amai vake ndikada kuendesa chikafu chevana, vanondidzinga uye vakatombondiruma pabendekete. Ndava kutadza kuona vana vangu,” anodaro Mateka achiratidza dare bendekete raanoti akarumwa naambuya vake. Mutongi Larzin Ncube akapa Simbachoto gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>