Andre oda kubva kuChelsea

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Andre oda kubva kuChelsea Andre Schurrle

Kwayedza

Andre Schurrle

Andre Schurrle

ANDRE Schurrle anonzi ari kuda chaizvo kubva kuChelsea kuti aende kuWolfsburg, sekutaurwa kwazviri kuitwa nevamwe vanoona nezvenhabvu.
Shasha yekuGermany iyi, iyo yakahwina mukombe weWorld Cup gore radarika, yakatengwa neChelsea ichibva kuBayer Leverkusen mugore ra2013 uye yange ichingonzi inogona kudzokera kunotambira nhabvu yavo kuBundesliga kubva pakavhurwa mwaka wekutengesa kwevatambi kutanga mwedzi uno.

Maneja weChelsea, Jose Mourinho, svondo radarika akati anotarisira kuramba ane chikwata chake chose chakazara mwaka uno asi akabvuma kuti panogona kuita mumwe mutambi anobva asi hunge paine chikwata chinenge chabhadhara mari svinu pamutambi uyu.

Izvi zvose zvinogona kubudirira ndokunge Wolfsburg yakabvuma kubhadhara mari inodarika 22,5 miriyoni paunzi iyo iri kudiwa neChelsea. Kunyangwe hazvo mari iyi isati yaburitswa pachena pari zvino, zvinonzi hurukuro dzezvikwata zviviri izvi dziri kufamba mugwara chairo.

Wolfsburg pari zvino iri pechipiri muBundesliga uye Schurrle anoona chikwata ichi, icho chakahwina mukombe uyu gore ra2009, chichikwanisa kukunda Bayern Munich mwaka uno. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>