Uncategorized

Ane nyoka negarwe mudumbu…‘Ifa, ndini ndakakuroya’

29 Apr, 2016 - 00:04 0 Views
Ane nyoka negarwe  mudumbu…‘Ifa, ndini ndakakuroya’ Amainini vaChipo

Kwayedza

Amainini vaChipo

Amainini vaChipo

KASIKANA kane makore 14 ekuzvarwa kemuHarare kari kureurura kuti ndiko kakaroya amainini vako, muninin’ina waamai, ndokuvaisa nyoka, garwe nemupurwa mudumbu mavo iro rave kugara rakafutunuka sezvinonzi mukadzi ane mimba.

Amainini vechidiki vakashinhirirwa ava vakambogara kuUnited Kingdom asi ndokuzodzoka kuZimbabwe kuzotsvaga rubatsiro rwehurwere hwavasimbira.

Kurwara kwemukadzi uyu kunonzi kuri kukonzerwa nemwanasikana wemukoma wake uyo ari kudura kuti anoita zveSatanism.

Mukadzi uyu atambura nekuzvimba dumbu rinonzi nemwana uyu akariisa nyoka, garwe nemupurwa uye makumbo ake akazvimba zvikuru.

Achitsanangudza mabasa ake, mwanasikana uyu anoti akashandisa bhodhi (bra) raamainini vake pakuvaroya.

Musikana ari kuita kuimba mabasa ake uyu tichangomuti Chipo sezvo achiri pwere, uye ari kudura kuti iye nevamwe vake vekuchechi yavanopinda vakatora bhodhi raamainini vake vakanorichengeta muimba mariri kugara iyo vanoshandira mubasa avo nechinangwa chekuti vafe.

Chechi inopinda musikana uyu inonzi ine muzinda wayo kuMashonaland West, uko kwaanogara nevamwe vake.

Chipo anoti iye nevamwe vake vane “kingdom” yavo inoita zveSatanism vaine mukuru wavo uyo waasina kuda kudura.

“Kurwara kwavo ndini ndakakonzeresa nevamwe vangu. Takatora bhodhi ravo apo taiva pagungano pachechi ndokunoigadzira kuti vafe nekuti iye zvino rava danho redu kuti tiurayewo vanhu sezvo takadya nyama yevamwe vatatu.

“Saka amainini mumwe ari kunzi tiuraye nekuti vanonyanya kuongorora mabasa edu pamba pedu futi.

“Baba vangu ndivo vakandipinza muSatanism. Kuvaregerera ndinotya nekuti takanzi tikavaregerera ndinofa,” anodaro Chipo.

Paaitaurwa naye, Chipo aitoseka apo akazokumbira ruregerero kuna amainini vake kunyangwe zvake achiti anotya vakuru vavo kuti anozourayiwa.

Musikana uyu anoti anoda kubhadhara amainini vake kuvarwarisa uko akaita.

Paiitwa hurukuro yenyaya ino, amainini vaChipo vainge vakatopfeka mateneti semunhu ane pamuviri sezvo vasisakwane dzimwe mbatya uye vanogashira ruregerero rwaChipo. Vanoti chavanoda bedzi kuti vararame nekudaro musikana uyu anofanira kudzosa bhodhi ravo ravari kushandisa nevamwe vake.

Amainini vekuroyiwa naChipo vanoti dambudziko iri rakatanga apo aiva kuUK. Vakazodzoka muno makore maviri akadarika vaita mwana wechipiri.

Vanoti panguva iyi gumbo ravo rekuruboshwe rakatanga kutadza kufamba dumbu richifutunuka.

“Ndakaenda kumachiremba akasiyana kuUK asi hapana chavakaona. Ndakambofungidzirwa chirwere chemoyo asi zvikaonekwa zvisirizvo. Mumwe chiremba wechitema ndiye akazonditi ndimbodzoka kumusha ndizotsvaga dambudziko iri kuchivanhu,” anodaro mukadzi wechidiki uyu.

Amainini vaChipo vakaroorwa nemurume wekuNigeria uye vanoziva kuti mwana wemukoma wavo uyu ari kubuda pachena kuti vari kushandisa bhodhi ravo kuvaroya apo vanomuona ari munhu pairi.

“Tinogara pamba pamwe chete nemwana uyu naamai vake vanova mukoma wangu neimwe mhuri yedu. Saka ini ndinoda kubatsirwa chete adzose bhodhi rangu ravanoti vanoshandisa, ndipore ndigoipisa,” anodaro nyakuroyiwa.

Amai vaChipo vanotsinhira nyaya yekuti mwana wavo anoita zveSatanism.

“Mwana uyu anonzi ane zvaakabatiswa nababa vake vakamupinza muSatanism. Tine vana 4 vose vakamboita dambudziko iri zvikasarira iye uyu anova wepakati. Mukuru aimbodaro zvikapera, mukomana akambopenga. Takatozorambana nemurume wangu gore rapera nekuda kwekushereketera kwaakaita kuvana,” anodaro.

“Mwana haasi kuvanza, ari kuti iye nevamwe vake vekuchechi vanoita zveSatanism. Vakatora bhodhi yaamainini iyo vari kushandisa kumurwarisa, saka isu tinogara tichitaura naye kuti aregerere amainini ava asi dzimwe nguva anotoseka. Akabatwa nemweya uyu anoti ndakazviita uye richatoputika dumbu racho,” vanodaro amai ava.

Chipo anonzi akapinzwa muSatanism ichiri mimba.

Mukoma waamai vaChipo anoti nyaya iyi yavanetsa uye yapesanisa mhuri yose.

“Mwana uyu waari kuda kuuraya ndiamai vake munin’ina waamai. Taedza kunyengetedza mweya unosvika paari kuti varege kuuraya asi anoti vakanzi vamuuraye nekuti vane chikwereti chenyama yevamwe vanhu vatatu vakauraiwawo nevamwe ivo vakadya nyama yacho,” anodaro.

Mumwe mukoma waChipo anoti hapana zvaanoziva nekuroyiwa kwaamainini vake zvisinei kuti iye aimborwarawo.

Zvakadaro, mukadzi wekuroyiwa uyu anoti achadzokera kuUK kana achinge arapwa.

Rimwe dambudziko rinoonekwa nemhuri iyi rinonzi ndere nyoka dzinopiringishana mumba uye mayunifomu echikoro aChipo anonzi anopinduka kuita nyoka.

“Mabhuku ake chaiwo ekuchikoro anopinduka kuita nyoka nembatya dzekuchikoro, kana bhutsu chaidzo.

‘‘Ini ndakarumwa neyunifomu yemwana uyu yapinduka kuita nyoka apo ndaida kumuwachira,” vanodaro amai vaChipo.

Mbatya dzechikoro nemabhuku emusikana uyu zvinonzi zvakatombopiswa nekuda kwenyaya iyi.

Zvakadaro, mhuri iyi yakazosvika kuchirongwa cheTilda Show kunhepfenuro yeStar FM uko yakakurukura dambudziko rayo nechinangwa chekuti ibatsirwe neveruzhinji. Pavakaita hurukuro ino vose vemhuri iyi vainge vakapfeka mbatya chena.

  • Kune vanoda kubatsira vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 0773 377 192.

Share This:

Sponsored Links