Uncategorized

Anobhinywa nezvidhoma ‘zvidhafu-dhafu’

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Anobhinywa nezvidhoma ‘zvidhafu-dhafu’ Wisdom Marowa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
Mukomana wechidiki anoshanda papurazi reGallow Way Estates, kuMvurwi, anoti aona ndondo nekubatwa chibharo nevakadzi vatatu “zvidhafu-dhafu” avo vaanoti vanouya kwaari vasina kupfeka, ozongovashaya kana vachinge vapedza naye.

Wisdom Marowa (22) – uyo anobva kwaMudhindo, kuGuruve – anoti dambudziko rekubatwa chibharo rakatanga aine makore 13 ekuberekwa. Anoti izvi zvinoitika akasvinura uye haakwanise kutiza vakadzi vaanoti vakasimba kuita hofori chaidzo – mazidhafu.

“Ndaona nhamo mukoma (kureva munyori uno). Ndokusaka ndakakushevedzai kuno kuti dzimwe nguva mungandibatsirewo nekundiburitsa munhau veruzhinji voziva dambudziko rangu. Kune mazigadzi akafuta, ose matema asi andisingazive ayo anouya husiku ndave kuda kunorara achindibhinya. Dzimwe nguva zvinoitika masikati kana ndichitofamba. Vanondichinjana kusvikira ndadhamba,” anodaro Wisdom.

Anoti mazigadzi aya, kunyangwe iye aine vamwe vanhu, havavaone kunze kwake iye bedzi.

“Hapana kana mumwe chete wevakadzi ava anotaura neni. Pane mumwe anoratidza kuti ndiye mukuru wavo, iyeye ndiye anotanga kundibata, onditsvoda pachirebvu nepadumbu asati andikumura mbatya nekupinda neni pabonde – vamwe vake vakayeva. Vose vanomonya miromo zvakafanana nguva imwe chete uye mhuno dzavo dzichireba nekubuda madzihwa nemasiriri mukanwa,” anodaro Marowa.

Anoti pavakadzi ava, kana mukuru wavo apedza naye, vamwe vaviri vanozoitawo madiro naye vachipanana majanha.

“Vanondichinjanisa kusvikira ndaneta, kuti ndicheme handikwanise, izwi rangu rinenge rakavharwa zvekutadza kufema. Ini ndinovaona sevanhu chaivo nekuti ndinenge ndakatosvinura. Asi vakuru vandinotaurira nyaya iyi kana kumaporofita ndinonzi zvipoko kana kuti zvidhoma,” anodaro.

Muchinda uyu anotizve nyaya inonyanya kumunetsa ndeyekuti haanzwe kuneta apo anenge achibhinywa nemazigadzi aya izvo zvaanotozonzwa kana vapedza naye.

“Kana ndapedza newekugumisira – wechitatu wacho – vose vanotenamirana kunze vakagumanisa misoro yavo vachisvipira mate pasi uye pasina anotaura vobva vatsakatika. Pavanoenda, ndinosara ndichibatwa nehope dzehumambo chaidzo – pamwe pacho ndiri kana musango. Mumwe musi vakanditevera kudondo uko ndakakotsira vapedza neni kukanaya mvura inotyisa ini ndakakotsira. Ndakazosvinura ndiri mukati memvura, mbatya dzangu dzakatota.”

Wisdom anoti dzimwe nguva anomborota achirara nemadzimai echichena avo vanenge vaine imbwa dzakawanda.

“Ndikadanana nemusikana hatipedze svondo naye, ndinenge ndarambwa pasina chikonzero. Maporofita anonditi mazigadzi iwaya ndiwo asingade kuti ndiwane mukadzi wandinodanana naye,” anodaro.

Anoti mukoma wake waanogara naye – Isaac Marowa (32) – “anombondiudza kuti dzimwe nguva ndinobuda mumba husiku ndichiti ndiri kushevedzwa neshamwari dzangu”.

“Amai nababa variko kumusha kuGuruve, ndinovaudza dambudziko rangu asi havana matanho avanotora.”

Zvakadai, Wisdom anoti ave nerimwe dambudziko rekungorasa mbeu apo anosangana nemukadzi kana musikana waanenge achiva.

“Ndikangoona mukadzi kana musikana wandafarira, ndinotanga kunzwa kuvada ndobva ndatozvibatsira ipapo,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevabereki vaWisdom kuti vapewo divi ravo pamusoro penyaya iyi. Votaura pamusoro penyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga, avo vanova nyanzvi munyaya dzechivanhu muHarare, vanoti mukomana uyu anoda kubatsirwa muchivanhu nekukasika.

  • Kune vanoda kubatsira Wisdom vanokwanisa kumubata panhare dzinoti 0777 642 453.

 

Share This:

Sponsored Links