Uncategorized

Anochovha bhasikoro pamusoro pemvura

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Anochovha  bhasikoro  pamusoro  pemvura

Kwayedza

 Ndinotungamirirwa naMwari: Rambo

Obert Chifamba

MURUME wechidiki anogara kuTynwald North, muHarare, ari kuita mashura ekuchovha bhasikiro pamusoro pemvura mudhamu rekuEpworth iro rinozivikanwa nekuti “Pool of Death”.Dhamu iri rinozivikanwa nenyaya dzevanhu vanozviuraya kuburikidza nekuzvikandamo.

Victor Kazembe (28) ndiye ari kuita zvishamiso izvi uye anobatsira zvakare kunyurura mitumbi yevanhu vanenge vazvikanda mudhamu rinotyisa iri.

Kunze kwaizvozvo, anodzidzisawo vechidiki kutuhwina nenzira dzekudzivirira vanhu kuti vasany’ure.

Asi mashura apedza vanhu mate mukanwa kuchovha kwaanoita bhasikoro pamusoro pemvura izvo zvasiya vakawanda vasina nechekutaura.

Rambo achichovha bhasikiro mudhamu rinotyisa rekuEpworth – rePool of Death – nguva yadarika.

Rambo achichovha bhasikiro mudhamu rinotyisa rekuEpworth – rePool of Death – nguva yadarika.

Kazembe anovhetemetsa bhasikiro – dzimwe nguva akaita rekusimukira seari kufamba panyika – achinopinda mudhamu iri, mushure ozoburuka ototanga kushambira achiridhonza pakati pedziva.

Munyori uno akaita hurukuro naKazembe achida kunzwisisa kuti chivindi chake anochiwanepi – chekuchovha bhasikoro pamusoro pemvura yemudhamu yakasvibira kuti ndoo – kwete netsvina asi nekuda kwekuwanda kwayo.

“Hapana chandinotya. Handitende kuti kune mweya yakaipa inokanganisa vanhu. Ndinoenda kuchechi uye zvose zvandinoita zvinotungamirirwa nesimba raMwari.”

Achitaura zvinyoro-nyoro, Kazembe anoti zvidavado zvake izvi zvaona achipihwa zita remadunhurirwa rekuti Rambo zvichitevera shasha yemumafirimu eHollywood yekuAmerica, Sylvester Stallone.

Rambo akatanga kufarira kutambira mumvura achigara kuKambuzuma apo ainopinda murimwe dziva riri pakati pemusha uyu neweWarren Park iro rinotyisa uye rinozivikanwa nekuti “Kambuzuma Pool of Death”.

Sezvinofungwa pamusoro pedhamu rekuEpworth, dziva rekuKambuzuma rinofungirwa kuti rine njuzu sezvo vanhu vakawanda vachifiramo.

Anoti ane pfungwa dzekutama kubva kuTynwald North achinogara kuEpworth kuitira kuti agare pedyo nedhamu raanoitira mabasa ake iri.

Rambo anoti mushure mekuona kuti anofarira kutambira mumvura, akazoita zvidzidzo neLes Brown Swimming Pool iri kuseri kweMonomotapa Hotel, muHarare, apo akadzidziswa neshasha dzinosanganisira Chris Mukambaidze naJadson Jiga.

“Ndinokwanisa kupedza masekonzi 128 ndiri pasi pemvura ndisingashandise zviya zvinobatsira pakufema,” anodaro.

Rambo anotizve akatanga kubatsira vanhu vanenge vany’ura rimwe zuva munguva dzemangwanani achiri kuKambuzuma apo aimhanya zvake nechinangwa chekusimbisa muviri.

Anoti pane mumwe mukadzi aida kuzviuraya uyo akazvikanda mudziva riri kuseri kweKambuzuma Section 1 zvikaita kuti vaivepo varidze mhere vachitsvaga rubatsiro.

Izvi zvakaita kuti asiyane nezvekumhanya ndokunonunura mukadzi uyu.

“Ndakatanga ndakwira mumuti ndokusvetukira mumvura ndiri panzvimbo yaiita kuti ndisvike paaive ari nechimbi-chimbi. Ndakakwanisa kusvika paaive asati anwa mvura yakawanda ndokumuburitsa kunze.

“Apa ndipo panzvimbo imwe chete zvakare pakandazonunura mukomana wechidiki akange aenda kunotuhwinha nevamwe vake asi ndokuzopedzisira ave kudivi rinony’udza uko vamwe vake vakatadza kusvika kuti vamubatsire,” anodaro Rambo.

Anoti mugore ra2014, pane murume wechikuru akafira mudhamu iri munyaya iyo mapurisa anofungira kuti akazviuraya uye iye aive muchikwata chakabatsira mukuburitsa mutumbi wake.

Rambo anotiwo kudhamu rekuEpworth, kusvika pari zvino abatsira kunyurura mitumbi yevanhu 11, izvo anoti zvinotomushamisawo kuti anozvigona sei.

Haone dhamu iri serine njodzi sezvinofungwa neveruzhinji sezvo ave kutorishandisa senzvimbo yekuvaraidza vanhu nayo. Dhamu iri rinonzi rakadzika zvekudarika mamita 100 uye haripwe.

Kune mashoko anoti pane mamwe maengineer vaimboda kudhonza mvura yemudhamu iri yose neinjini asi vakakundikana.

Pane imwe nguva, Rambo akatuhwinha kwemamita 600 mudhamu iri apo aive akasunga mawoko ake nengetani achishandisa makumbo chete pakushambira nemhendeshure.

“Ndine hurongwa hwekuti ndibve kuTynwald ndiuye kuzogara kuno kuEpworth. Izvi zvinondiitira nyore pakuti ndikwanise kudzidzisa vagari vekuno vanoda kutuhwinha, kusvetukira mumvura nekubatsira vanenge vany’ura,” anodaro Rambo.

Dhamu rePool of Death rionzi rakavepo zvichitevera kucherwa kwaiitwa matombo panzvimbo iyi kutanga kwemakore ekuma1980 uye rakabva razara nemvura kubva ipapo.

Vagari vemunzvimbo iyi vari kushandisa mvura yemudhamu iri mumabasa akasiyana apo nerimwewo divi vechidiki vanofarira kutamba vachituhwinha kumahombe-kombe kwaro.

Zvisinei, veruzhinji vanoziva dhamu iri serinotyisa, iro vamwe vanhu vanenge vachida kuzviuraya vanonozvikandamo uye vamwe vanoti mhondi dzinokandawo mitumbi yevanhu vadzinenge dzaponda muPool of Death kuitira kuti pashaikwe umboo.

Kune vamwe zvakare vanoti vanoona njuzu mudhamu iri vachiti ndidzo dziri kukonzera kuti vamwe vanhu vazvikandemo.

Asi Rambo anoti zvose izvi inongova mifungo chete isingakwanise kukanganisa munhu anotenda kusimba raMwari.

“Nesimba raMwari ndicharamba ndichipinda mudhamu iri nekuita zvose zvandinoda ndichibuda. Ndinoziva kuti vanhu vakawanda vanonditya pandinenge ndichiita zvidavado izvi asi vanofanira kurangarira kuti handishandise simba remweya yakaipa, nekudaro hapana chinondikuvadza.” – Zimpapers Syndication.

 

Share This:

Sponsored Links