Uncategorized

Anodaidza nyoka dzichiuya

16 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
Anodaidza  nyoka dzichiuya Soline Shudas

Kwayedza

Soline Shudas

Soline Shudas

VAGARI vemubhuku raMusauki, kwaMambo Njelele kuGokwe, havana remuromo zvichitevera nyaya yemuwe mudzimai weko uyo anonzi ane mweya wechikwambo uyo unoti kana wamubata anogwesha senyoka achidzishevedza dzichiuya paanenge ari.

Zvinonzi mudzimai uyu anoshita achigwesha senyoka dzakaita serovambira, mhungu kana dzvoti.

Soline Shudas (27), uyo akaroorwa, akatodzoswa kubva kumurume nekuda kwedambudziko iri kuti abatsirwe ari kumusha kwevabereki vake.

Vanhu vaiva padare raMambo Njelele svondo rakapera pamberi vanonzi vakaita rurasademo vachitiza apo mukadzi uyu akatanga kushita semhungu apo aishevedza nyoka.

Panguva iyi, zvinonzi kwakabva kwaonekwa mikweshwa yenyoka pedyo nemusha waive nedare iri, idzo dzinonzi dzakatenge dzatanga kufamba dzichienda kwaiva nemudzimai uyu.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (51), vakatsinhira nyaya iyi vachiti musi wagarwa dare iri, vakazotaura nehama dzaSoline kuti vamise mweya waibuda paari uyu.

“Inyaya yatiinayo mudare rangu yemweya uri kubata mumwe mudzimai uchiti wakaiswa nababamukuru vemudzimai uyu. Vasvika pano tichida kuvaenzanisa uye kuvatsvagira machiremba anovabatsira. Mweya uyu wakazobata ndokubva atanga kutaura kuti akanga ava kuda kushevedza masahwira ake, nyoka.

“Akazotanga kurira sezviya zvinoita mhungu kuti uuu-uu-uu uye aizvita akatarisa mudenga. Aifamba senyoka nedumbu nemusana zvakare. Veukama hwake vakabva vataura kuti anoshevedza nyoka nguva zhinji mukaramba muchiita nharo naye. Zvisinei, ndakazotaura navo ndichitsiura kuti asashevedze nyoka dzake nekuti aizokanganisa dare redu asi nguva iyoyo kwakazoonekwa nyoka hombe pamugwagwa uri padyo nemusha idzo dzakabva dzazongoshaika,” vakadaro Mambo Njelele.

Kwayedza payakasvika padare ramambo yakawana makurokota avo akaungana vachitsvaga mazano ekuti Solina angabatsirwe sei.

Vemhuri yaSoline vaivawo vakaungana kumusha kwavo vachishaya kuziva zvokuita.

Baba vaSoline, VaLloyd Shudas (61), vakatsinhira nyaya yemweya unonzi ndewechikwambo uyo uri kubata pamwana wavo.

Vanoti mweya uyu unotaura kuti wakaiswa nemumwe wevakoma vavo (zita tinaro) uyo anonzi akaita izvi senzira yekutsvaga nayo mari.

“Mweya uri kusvika pamwana wangu uri kutaura kuti vakabvumirana pawaitorwa kuti kuchauraiwa vanhu vashanu mumhuri yedu – vakadzi vatatu nevarume vaviri. Mweya uyu unotaura kuti wakatorwa namukoma wangu uchiti zvikwambo izvi zvakapedza kuuraya mombe uye iye zvino zvave kuda ropa revanhu. Zvinotaura zvakare kuti zvinomutsa vakafa kumakuva pamwe nekuti zvagara mumusha medu kwemakore 28 kubva pazvakatorwa,” vakadaro.

Dambudziko iri rinonzi rakatanga kubata vamwe vana vemhuri iyi vanoti Tichaona Shudas (22), Petronella Shudas (18), Malette Chidhongo Moyo naNobert Chidhongo ndokuzoenda pana Soline. “Musikana uyu anorira senyoka, idzo nyoka dzichidavira tichitonzwa. Nguva iyoyo munoona nyoka dzingava mbiri kana nhatu dzichisvika pano modzishaya zvakare. Mweya uyu uri kuti ropa remombe dzaiuraiwa nechikwambo ichi rave kunhuwa uchiti wave kuda nyama yevanhu,” vakadaro VaShudas.

Mumhuri iyi munonzi mombe dzakapera kufa, apo VaShudas vanoti vaiva nemombe 19 asi havasisina kana neinoti mhu-u.

VaShudas vanotiwo mukoma wavo uyu anoti ane hoko dzakachererwa pamusha pavo nen’anga neruva iro rakadyarwapo rinonzi rakasanduka kuita nyoka ine vana vakawanda.

“Pane jira remashavi rinonzi rakanyorwa mazita evana vashanu avo vari pachijana chekuuraiwa nechikwambo ichi,” vakadaro.

Soline akawanikwa neKwayedza achibatsirwa nemaporofita maviri anoti Hebert Chikwasha (28) naMawana Zenzo (31) vechechi yeJohane Masowe weChishanu.

Mudzimai uyu akabva abatwa nemweya ndokutanga kushita achirira semhungu apo aida kukwakuka kuenda kuvatori venhau.

Maporofita aya akabva amunamatira vachiti vaiita kuti nyoka dzinowirirana nemweya uyu dzisauye. “Tati ibva mweya wakaipa nenyoka dzako, rega vanhu vagare zvakanaka,” akadaro mumwe wemaporofita aya.

Soline, apo aive akabatwa nemweya uyu, akazotsiura vatori venhau kuti vaidirei kumufumura. “Nhai imi mavinga kuzondifumura? Ndinoda nyama zvangu ini, siyanai neni,” akadaro achiwetsura maziso akadzvokora mutori wenhau. Amai vaSoline, Mai Grace Shudas (51) vanoti muramu wavo haasi kuramba nyaya yekuti ndiye akashinhirira mwana wavo.

“Tamirira kuendeswa kumachiremba echivanhu namambo wedu kuti dambudziko iri ripere,” vakadaro. Pakashanyirwa mhuri iyi neKwayedza, murume waSoline, Alfred Takaringeni (28), akawanikwa aripowo.

Murume ari kupomwera kuti ndiye akanotsvaga mishonga yezvikwambo iyo iri kutambudza mudzimai uyu akabvuma nyaya iyi.

“Ndinoda kusunungurwa panyaya iyi, hapana chandiri kuramba. Ndinoda n’anga dzinoona nemaporofita. Ndakambotsvaga mishonga yekutamba makasa ndikatora n’anga yakacherera hoko pamba pangu. Ndakambotorawo n’anga yaiti yaigona kumutsa hanzvadzi yangu, Madhehwa, uyo akanga afa. Dzimwe nguva ndakazvitora ndisingazive zvikwambo izvi, hamheno,” akadaro.

Murume uyu anotiwo akamborwara akatemerwa nyora nekudaro haachaziva pamwe ndiko kuri kubva dambudziko iri.

Mudzimai wake (zita tinaro) anoti hapana zvaanoziva nekuda kwemishonga iyi.

“Chandinoziva chete ini baba vaitora n’anga dzekugadzira misha kwete zvekuti mimwe mishonga yakaipa iyi, handina kuzviona. Taigara zvakanaka zvikuru nguva yose iyi. Tangomirira kuti tibatsirwe pakurapwa kwemwana uyu nevamwe vanombobatwa nemweya uyu,” akadaro.

VaMoffat Musauki (53), mumwe wevanhu vari kufambira kuti dambudziko iri ripere, vanoti chikwambo ichi chiri kutaura kuti chaiva munhava uyewo chakatorwa kuTengwe, kuHurungwe.

Sabhuku Musauki, VaMusauki Ncube (91), vanoti vanotarisira kuti dambudziko remhuri iyi ripere mune zvakanaka.

“Inyaya yakasvika kwandiri asi sezvo ishe vapindira, tave kutarisira kuti mhuri iyi yose iende inobatsirwa mweya wakagara pamusikana uyu ubviswe sezvo uchinzi unobatawo vamwe mumhuri iyi,” vakadaro VaMusauki.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey