‘Anodutira doro nemari yechikoro’

27 Feb, 2015 - 13:02 0 Views
‘Anodutira doro nemari yechikoro’

Kwayedza

o-TUITION-COSTS-facebook
Hardway Nyakuwarwa

VANHU vaive mudare vakashamiswa apo mumwe murume akati mukadzi wake anotora mari yevana yechikoro achinoinwisa doro. Besania Chiendambuya akaudza Harare Civil Court kuti anoda kuti $150 yaari kubhadhara idzikiswe achiti yakawandisa uye mudzimai wake, Caroline Mandindo, anoishandiswa kunwa hwahwa. “Changamire wangu, ndinokumbirawo kuti dare rindidzikisirewo mari yemendenenzi sezvo yakawandisa uyezve ndine imwe mhuri nemukadzi wandakaroora. Ini ndinobhadhara mari yevana yechikoro zvese nemayunifomu asi chinondirwadza ndechekuti mukadzi uyu anonwa hwahwa nemari yechikoro,” akadaro Chiendambuya.

Ndinokumbirawo kuti dare rinditendere kunobhadharira vana vangu mari yechikoro ndega nekuti vangatoite marombe ini ndiripo ndichibatirwa mari.”

Mandindo akapikisana nemashoko aya achiti Chiendambuya ainyepera dare.
Mutongi Trevor Nyatsanza akaderedza mari yaibhadharwa naChiendambuya kubva pa$150 kusvika pa$110 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links