Anodya nyama oga…mukadzi nevana vakayeva

13 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Anodya nyama oga…mukadzi nevana vakayeva

Kwayedza

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakashaya neremuromo apo mumwe mukadzi akati murume wake anodya sadza nenyama oga iye nevana vachidya nemuriwo usina mafuta, uya unonzi mujachu. Sophia Tagwirigwa akataura mashoko aya kumutongi wedare reHarare Civil Court, Ruth Kamangira, mushure mekumhan’arira murume wake Edwin Mapepa achiti anomushungurudza.

Tagwirigwa akati: “Changamire, ndinorohwa zvisingaite nemurume wangu. Anoti akatenga sadza nenyama anouya achidyira mumba ini nevana tichidya nemuriwo usina kana mafuta. Anenge achitotidadira ini nevana, mhosva yacho iri yekureva kwandakaita mendenenzi kudare.

“Kubva zvaakatemerwa mari kuti abhadhare mendenenzi akabva atiza pamba achinditi haasisina mari yekubhadhara imba nekuti mari yose yava kuenda kumendenenzi. Anofonera pfambi dzake ndiripo, dzimwe nguva anouya kuzotora midziyo yemumba achienda nayo kumba kwake achisiya anditaurira kuti, ‘Ndichakupikira jeri chete’.”

Mapepa akaudza dare kuti magariro avo nemukadzi wake haana rugare uye ari kutoronga zvekumudzinga pamba pavanogara.
“Ini nemukadzi wangu hapana kana anoita mumwe mangwanani, anomuka akangoisa muromo mumhuno. Handitozivi kuti chikonzero chacho ndechei, ndiri kuda kutomudzinga pamba.

“Pari zvino hatitaudzane, ndiri kuzotora zvinhu zvangu zvishoma nezvishoma uye muridzi wemba ndakamutaurira mamiriro aita zvinhu saka ngaatoita aziva kwake aziva kwake,” akadaro Mapepa.

Mutongi Kamangira akapa gwaro redziviriro kuna Tagwirigwa.

Share This:

Sponsored Links