Anokanda vana kumota ichifamba

29 Dec, 2017 - 00:12 0 Views

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
MURUME samusha anoti mudzimai wake anodya marasha zvekusvika pakukanda vana pamberi pemota yaanenge achityaira uye kuda kumupisira mumba achiti akagara asingade kuroorwa naye.

Donald Vanda akaudza dare reHarare Civil Court kuti aoneswa nhamo nemukadzi wake, Evidence Vanda.

“Changamire, ndanzwa nekushungurudzwa nemukadzi uyu. Anonditema nekundirova chero nechaanenge abata – kana banga chairo nesimbi – zvekuti ndava kutotyira upenyu hwangu,” anodaro Donald. Anoti mukadzi wake anoita kunge ane mamhepo nekuti dzimwe nguva anokanda vana pamberi pemota yaanenge achityaira uye kumutyisidzira nerufu. “Handizive kuti chii chinoitika paari mukadzi uyu, zvinoita kunge zvemamhepo chaizvo nekuti dzimwe nguva ndichityaira mota anongokanda vana pamberi payo uye anotomboti anoda kutipisira mumba tose nevana. Kunyanya ndikamunyima mari panoita hondo chaiyo, kana zvadaro anoti ‘ndaisada kuroorwa newe, wakandirambisa nemukomana aida kundiroora’,” anodaro Donald.

Achipawo divi rake, Evidence anoti Donald anoda kuwana mabudiro emumba sezvo achigara asipo.

“Ndinofunga vanoda kuwana mabudiro emumba nekuti kumba kwacho havasi kugara uye vana haasi kuchengeta. Dzimwe nguva anotosiya vana nenzara saka ndichizovaisa pamberi pemota kuti aende navo nekuti ndinenge ndisina chekuvapa. Izvozvi hembe dzake dzatopera mumba, anongotora hwani hwani,” anodaro Evidence.

Mutongi Larzin Ncube akapa Donald gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>