Uncategorized

Anondishandisira mishonga pabasa

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Mubvunzo:

Sekuru, ini ndine dambudziko rekuti ndinoshanda mumba, ndanetswa nagarden boy ane mishonga.

Ndiye ega anongoonekwa semunhu ini varungu havatombondione sechinhu.

Mari yapera nekufamba handizive kuti ndichabatsirika here uye ane mubobobo wanditambudza.

Ndakatobva pamba pacho, ndave kuuya kubasa ndichibva kwandava kugara kunze asi mumugwagwa mumwe chete uye ave kutevera ikoko.

Ndinotomuona kuhope ndichiita madzikirira.

Vanhu vanonditi ukaenda kuchivanhu zvinowedzera asi chondinetsa maporofita acho anobhadharisa asi hapana chabuda, mari yapera. Ndafunga kutora upenyu hwangu nokuti zvandinosangana nazvo zvakaoma. Ndaneta nekushandiswa nababa ava. Ndatambudzika Sekuru ndibatsireiwo.

Mhinduro:

Muzukuru, chekutanga usamhanye kutora upenyu hwako nekuti hapana zvazvinobatsira. Munhu iyeye achasara achingoita katsika kake kune vamwe vachauya.

Dambudziko rako iguru uye rinobatsirika uchitozogara upenyu hwakasununguka.

Murume uyu ari kushinha pauri uye ari kukutorera simba rako kuti utadze kushanda nekugara zvakanaka. Saka iwe chikurumidza kutsvaga rubatsiro kuchivanhu sekuZinatha udzorerwe simba rako. Chikwambo chaari kushandisa pauri.

Kunemi vamwe vazukuru vangave vachisangana nedambudziko serine muzukuru uyu, uyu mweya wezvikwambo.

Kana ukaona uchinzwa kunge uri kushandisirwa mubobobo, kasika kutsvaga rubatsiro nekuti unenge uchitorerwa simba rako nemishonga yakaipa iyi. Kunemi vanoita zvemubobobo, huroyi ihwohwo hwamuri kuita uye siyanani naho nekuti muri kuparadza upenyu hwevasina mhaka.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0719 421 949

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>