‘Anonditi ndakapfuhwirwa’

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Sandy Musungata
MURUME wekuti ari kushungurudzwa neaimbova mukadzi wake achimuti akamuramba mushure mekunge adyiswa mupfuhwira naambuya vake, amai vemudzimai wake, akatozopotera kudare. Simbarashe Nekati akaendesa Shelter Mugandani kuHarare Civil Court achiti anomukanganisa basa rake rekutengesa sezvo achimutuka pamwe nekumunyadzisa pane vanyarikani.

“Changamire, amai ava ndakasiyana navo asi nanhasi vanondishungurudza kwandinotengesera vachiti, ‘Haupashande kusvikira wadzoka kumba’. Ndinoda kuti vasauye kwandinoshandira.

“Ini nezvake handichadi asi vana vangu ndinochengeta zvekutoti ndinobhadhara mendenenzi. Zvino akanditadzisa kuita basa handina kumwe kwekuwana mari uye dzimwe nguva anonotora zvinhu zvandinotengesa kwandinenge ndasiya ndazvichengetesa, hameno kuti anenge achida kuti ndidii.

“Anonditukirira pazere vanhu kuti ndakadyiswa naambuya vemukadzi wangu saka ndakamuramba zvinova zvinhu zvinondipa kunyara,” akadaro Nekati.
Akati rimwe zuva Mugandani akauya kumba kwake ndokusvikorova mudzimai wake.

“Akauya ndokusvikorova mudzimai wandava kugarisana naye achiti abve . Akasiya amutyisidzira kuti anoda kumuuraya uye shamwari dzangu anodzitukirira achiti ndivo vakandifurira kuti ndimurambe,” akadaro.

Mugandani akaramba mhosva yaaipomerwa achiti murume uyu ndiye akauya nemudzimai wake pamwe nemukoma wake kwavanotengesera kuzomurwisa iye ndokubva atiza akananga kumapurisa.

“Ini handimushungurudze asi kuti iye. ‘‘Ndinenge ndichida mari yevana sezvo yaanondipa isingakwani kubhadhara kana rendi yepandinogara. Akauya nemukadzi nehama dzake vachida kundirwisa ndiine mwana kumusana ndokubva ndatizira kumapurisa,” akadaro Mugandani.

“Paanoti ndakarova mukadzi wake kunyepa. Mukadzi wake akauya kwandinotengesera akanditi, ‘Tinokupa $10 yemendenenzi, haulume’ ndokubva ndanetsana naye asi zvave kunzi ndakamurova.

“Ini handikwanise kubva kwandinoshandira nekuti ndiko kwandiri kuwana mari yekuriritira vana vake nekuti iye ari kutadza.
Paakandisiya pacho akatora zvinhu zvose, kusanganisira sauti chaiyo. Saka pari zvino nditori pazero nevana. Ndiri kutotanga upenyu hutsva asi mendenenzi anofanira kuibhadhara,” akadaro Mugandani.

Mutongi Barbra Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Nekati ndokuti vaviri ava vasarwe uye vataudzane mune zvakanaka.
Zvisinei, Mutongi Mateko haana kutambira chikumbiro chekuti Mugandani asasvike panotengesera Nekati sezvo vachishandira panzvimbo imwe chete.

Share This:

Sponsored Links