Uncategorized

Anongobuda mukaka

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Anongobuda mukaka

Kwayedza

OJUJA
Kingstone Mapupu…

MUKADZI wechidiki wekuBudiriro 2, muHarare anoti ane dambudziko rinoshamisa! Anogara achibuda mukaka mumazamu ake zvisinei nekuti haana mwana mucheche, achirota akakombwa netuvana twakawanda nekuenda mumagumbeze nevarume vakasiyana – vaasingadanane navo.Nomatter Simango (27) wepanhamba 3492 mugwagwa Ngavi, kuBudiriro 2, anoti ava nenguva inodarika makore maviri achisinina mukaka mumazamu ake sezvinongoita amai vanenge vachiyamwisa.

Verengai zvakare……
Zvinoitika — Dr Parirenyatwa
Zvidhoma zvinodariso: N’anga

Nomatter akaroorwa naTapiwa Mandishonha mugore ra2013 uye havasati vava nemwana wavo.
“Ndine dambudziko guru, handizive kuti ndozviita sei. Ndinobuda mukaka nguva nenguva kubva mugore ra2013, minyatso yangu inosisa sekunge ndine mwana mucheche mukaka uchijuja.

“Zvakatanga apo ndakanga ndangova nemwedzi miviri ndaroorwa muna 2013. Dzimwe nguva mukaka uyu unonyorovesa mbatya dzangu zvinoguma zvave kunditadzisa kushambidzika zvakanaka,” akadaro Nomatter.

Anoti mukaka waanobuda wakachena sezvakangoita wemakadzi anenge achiyamwisa kacheche.
“Dambudziko iri ratanga, ndakaenda kwachiremba echiRungu vakanditi dzimwe nguva ndaiva nepamuviri ndokunditarisa kuti vaone kana ndaiva napo asi pakashaikwa. Murume wangu dambudziko iri anoritambira uye anondida zvakadaro,” akadaro.

Nomatter anoti pavakaneta kufamba kumachiremba echiRungu, akazotanga kuenda kumaporofita nekun’anga uko kuri kubuda zvakawanda, “zvimwe zvinototyiosa”.

“Kumwe kwacho ndakanonzi ndiende nemunhu mukuru ndokushevedza vamwe tete vangu asi vakaramba kuuya. Ndakazofamba naamai vangu apo ndakanobvunzwa kuti handina kutumidzwa zita ratete here. Ndakapokana nazvo.

“Asi nyaya yekurota ndichishereketwa neni nevarume uye kuona vana vacheche idambudziko,” akadaro.
Nomatter anoti kumwe kumaporofita nekun’anga vanoudzwa kuti anoshinhwa naye nezvidhoma. Vamwewo vanomuti ane mweya yetsvina kana kunzi anoyamwiwa nezvikwambo.

“Zvinonzi ndinoyamwiwa nezvidhoma kana zvikwambo. Baba vangu vapenyu, vanoti ndiende kunoona tete asi tete vacho vanoramba kufamba neni saka ndinotofamba naamai vekundibereka,” akadaro.

Nyaya yanetsa, anodaro Nomatter, ndeyekuti hama dzemurume wake dzave kutaura mashoko asina kunaka kumurume wake “vachimuti ndine mweya yakaipa”.

“Hama dzemurume wangu dzakambotsvaga muporofita wekuti andishandire uyewo kune vamwe vanoti tifambe. Asi ini dambudziko rangu handina wekufamba naye sezvo tete nababa vari kuramba.

“Mbereko zvakare iri kuramba asi murume wangu anomira neni mumatambudziko ose aya,” akadaro Nomatter.
Mudzimai uyu anoti akabvisirwa pfuma “inotyisa” paakaroorwa izvo zvakaita kuti dzimwe hama dzake dziite godo.

“Dzimwe hama dzedu dzaitotaura ndichinzwa, kuti vaisafara nekuroora kwakaita murume wangu. Ndakaroorerwa pamba pevabereki vangu, panhamba 3492 Budiriro 2, apo pakafarwa zvikuru musi uyu.”

Nomatter anoti murume waainaye ndewechipiri sezvo mumwe akambenge akamuroora, Zebediah Zvingowanisewo, akafa nekupondwa mugore ra2010 apo aibva kubhawa.

“Pamurume wandinaye, kuroorwa kechipiri sezvo ndakafirwa. Murume uyu akanga andiroora mugore ra2007 ndokuzopondwa apo taigara kuSunningdale. Akapondwa apo takanga tichironga kuchata mwedzi mitatu yaitevera.

“Apa ndakazivisawo tete vangu nezvekuda kuchata vakatoseka vachiti vaizogutsikana vadya chakata,” anodaro Nomatter.
“Panguva iyi, nemurume uyu, ndaisabuda mukaka asi kuti nyaya yainetsa ndeye mbereko chete. Padambudziko rangu rekujuja mukaka, baba vanoti ndikaenda kuna tete zvinopera. Hamheno kuti pane zvavanoziva here pakati pavo nehanzvadzi yavo asi hapana zvavanotaura.”

Tapiwa anoshandira kuKwekwe mudzimai wake achigara kuBudiriro uko vanoroja.
Amai vaNomatter, Mai Future Chinyanduri (48), vanoti dambudziko remwana wavo dangwe uyu rinovashamisa zvikuru.
“Ndiye wandinotarisa pakurarama kwangu iyeyu. Ndinotiwo ndawana mukuwasha izvo zviripi?

“Zvekumusha kwavo kunyangwe ndikafamba naye handizvikwanise, baba vacho vanoti afambe natete asi tete vacho vanoramba. Ndakafara zvaakaroorwa kechipiri asi zvino rimwe dambudziko ratanga,” vanodaro.

Baba vaNomatter vanonzi VaGodfrey Simango uye vanonzi vane mamwe madzimai maviri kumashure kwaamai vake.
“Mwana wangu anoenda kumachiremba echiRungu achinzi achaita mwana zvake, zvino rimwe dambudziko rabva ravirika,” vakadaro.

Mai Chinyanduri vanoti kune madzitete ekumusha kwemurume wavo vaigara vachitaura kuti Nomatter haafe akaroorwa.
Vanotizve ivo vanga vachirwara nguva yadarika zvichitevera kuoma mitezo kwavakaita.

“Ndakapedza mwedzi mitanhatu ndisingaone nedambudziko re”stroke”. Pano ndinochengeta vana vemurume wangu nemamwe madzimai ake maviri, ini ndini vahosi,” vakadaro.

Nomatter anotiwo vamwene vake, avo vanogara kuDema kwaSeke, vakatombosvika pakuti atengese midziyo yose vonogara nemurume wake kumusha, izvo anoti vakapokana nazvo.

“Ndinovimba kuti dambudziko rangu richapera sezvinoita evamwe. Ndinokumbira rubatsiro kune vanozvikwanisa, ndisabude mukaka uyu. Kana angava wehukama kana mutorwa akandishinhira, dai andinzwira tsitsi ndararamawo upenyu hwakanaka sevamwe.

“Ndinotevera zvakanaka uyewo hapana mapiritsi ekuronga mhuri andiri kushandisa,” akadaro Nomatter.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemurume waNomatter, Tapiwa, kana nababa vake.

* Tiudzei zvamunofunga panyaya ino panhare dzinoti: +263 714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey