Uncategorized

Anoparika amai nemwana

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Anoparika amai nemwana Bonnie Bonokwe Sixpence

Kwayedza

CHIPINI chekupi chakadaro?

Amai nemwanasikana wavo wekutanga vari kugara vakaparikwa nemurume mumwe kuMhondoro.Bonnie Bonokwe Sixpence (47) ari kugara nemadzimai ake maviri — amai nemwanasikana wavo — pabarika raita kuti vatatu ava vadzingwe mubhuku raShirichena, kwaMambo Nyamweda.

Mai Caroline Muganhu (47) nemwanasikana wavo, Eunice Sixpence (22), ndivo vari kuita majana ekugovera rudo kunaSixpence pabarika rinoshamisa iri.

Eunice anonzi mubvandiripo sezvo akauya naamai vake apo vakaroorwa naSixpence.

Patsika nemagariro emuZimbabwe, Eunice mwana waSixpence uye zviri kuitwa nevatatu ava chinonzi chipini.Sabhuku Shirichena, VaWilson Shirichena, vanoti murume uyu akauya mumusha mavo achizochengeta mumwe musha vasingazive kuti ari kuparika amai nemwana.

Eunice Sixpence

Eunice Sixpence

“Murume uyu in’anga uye akauya achichengeta musha wevamwe vagari vemuno achitove nemadzinmai ake aya. Ndakazonzwa pave paya kuti ndiwo makunakuna atinawo muno ndichibva ndataura nevanhu vekumba kwaaishanda kuti handidi kumuona nemhuri yake muno sezvo vari kuita makunakuna muno muMhondoro,” vanodaro Sabhuku Shirichena.

“Mudzimai mukuru, anova amai vemwanasikana uyu, vanonzi vaivhundutsirwa naSixpence kuti vasataure nyaya iyi vachinzi vakazvifumura vaizouraiwa nemishonga.

“Murume uyu nebarika rake takazovadzinga vakaenda kupurazi rekwaChirubvu, kuMarirangwe, uko vave kushanda vachichengeta mumwe musha.”

Sabhuku Shirichena vanoti Sixpence nemhuri yake havana kumbovaoneka apo vakabva mubhuku ravo nemusi weSvondo wakadarika.

“Chipari tinoziva chakagara chiriko, asi kwete chekuti unoparika amai nemwana wavo. Kuda madzimai zverudzi rwupi ivo vakadzi vakawanda kudai munyika?

“Tinoziva kuti mwana wemudzimai anouiwa naye mumba mako mwana wako. Zvino uyu yave huku yadya mazai ayo,” vanotsanangudza sabhuku ava.

Vanoti havazive kuti vanhu vakadai vanokodzera kugara munyika yakaita sei.Sixpence, uyo anova chizvarwa chekuMozambique, anonzi akatombotorwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi.

Anonzizve akatomboshevedzwa naMambo Nyamweda nekuda kwemakunakuna aya.Sabhuku Shirichena vanoenderera mberi vachiti: “Murume uyu anonzi akatangira kuHarare uko akatombosungwa akaregedzwa ndokuzouya kuno kuMhondoro. Nyaya iyi yakabuda ikasvitswa kumapurisa ekwaNyamweda akambosungwa zvakare ndokuzoregerwa.

“Hatizive kuti sei, iye anoramba nyaya iyi asi inoramba ichibuda chete.”Sabhuku ava vakazoperekedza Kwayedza kupurazi rekwaChirubvu uko Sixpence ave kugara.

Murume uyu paakaona motokari yevatori venhau, akaedza kuverera ndokuzoridzirwa mheterwa kuti amire.Muganhu akawanikwa asipo achinzi aive abvakacha kuHarare.

Sixpence anoti akaroorana naMuganhu mugore ra1999 uye vane mwana mumwe chete. Anoti nyaya yekunzi anoparika amai nemwana yamushungurudza kwemakore akawanda.

“Mukadzi wangu Caroline akauya aine vana vake vatatu achibva kwake kuMt Darwin vanoti Wilson, Tendai naiye Eunice ari kunzi mukadzi wangu wechipiri nevanotaura uyu,” anodaro.

Caroline Muganhu

Caroline Muganhu

Anoti kubvira Eunice achikura, ndiye aimuendesa kuchikoro pamwe chete nehanzvadzi dzake.

“Musikana uyu anonzi mukadzi wangu wechipiri asi ndini ndakamuendesa kuchikoro uyewo vamwe vose ndini ndino vapinza chikoro. Ndakasungwa kakawanda nemapurisa nekuda kwenyaya iyi kubva ndichiri kugara kuHarare kusvikira ndazouya kuno kuMhondoro. Asi ndaingoregerwa pachishaikwa umboo,” anodaro Sixpence.

Anoti akatotiza kuvaka sitendi yake yemba kuSuper Sands, kuWaterfalls muHarare, nekuda kwenyaya iyi mugore ra2010.

Sixpence anotizve aida kuuraiwa nevanhu vemunharaunda yaaigara vachiti anodanana nemwana wake.“Kunyange kuHarare kwandaishanda, ndakabuda nekuda kwenyaya iyi.

‘‘Ndinoshaya kuti munyama here kana kuti chii. Ndazvishaya, ndakatiza kuHarare kune vanhu vaiita makuhwa ndokuzotangawo zvakare kuno kuMhondoro.

“Ndakaedzawo kutsvaga musha kuno asi zvikaramba. Saka ndinongorarama nekuchengeta misha yevamwe. Zvino makuhwa aya ari kuramba akadaro zvekuti andishaisa pekugara. Chionai kuti ndakauya pano neSvondo yadarika asi imi manditevera. Vanhu vanoda kuti ndiende kupi?

Sixpence anoti Eunice ane murume wake akamubvisira pfuma yavakatambira uyo akazomusiya kwavari achiti vamuchengetere sezvo akaenda kunoshanda kuSouth Africa.

Eunice ane vana vaviri vanofungirwa kuti vose ndevaSixpence.Paakabvunzwa neKwayedza, Eunice akabvumawo kuti nyaya yekuti anoparikwa naamai vake pana baba vake yava nemakore akawanda ichitaurwa asi ndokuti haizi yechokwadi.

“Mwana wangu wekutanga ndewa 2012 uyewo wechipiri ndewa 2015, vose vanova vemurume wangu kwete vababa. Vanhu vanoda kuti baba vasungwe chete, ini handidanane navo,” anodaro Eunice.

“Ava (Sixpence) murume waamai chete. Vakatanga kudanana tichigara kuWaterfalls panext door pavo uko takazobva baba vasungwa tave kuuya kuMhondoro. Vangu ini baba vanonzi Juja Chauta, handina kumbovaona asi vanonzi vanogara kuMukumbura pedyo nekuMozambique.”

Eunice anoti iye nemurume wake, Garikayi Maphosa, vave nemakore anodarika maviri vachidanana uye akaenda kubasa kuSouth Africa.

Zvakadai, Sixpence, uyo akanga asina kuoneka Sabhuku Shirichena paakatama, anoti sezvo mimwe midziyo yake yakakasara kwaaimbogara uku, achadzokera kunovaoneka setsika yechivanhu.

Muridzi wepapurazi pakaenda Sixpence kunoshanda achichengeta musha, VaChirubvu, vanoti havana chekutaura pamusoro penyaya iyi.

Bonnie Bonokwe Sixpence

Bonnie Bonokwe Sixpence

“Handina chekutaura, zvave kuda vakuru vangu, vana mudhara kuti vandizivise kuti ndodii,” vanodaro VaChirubvu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey