Anorara nebanga mumagumbeze

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Anorara nebanga mumagumbeze court

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa —
MUMWE murume anonzi anorara nebanga mumagumbeze iro anenge achida kubaisa mudzimai wake uye rimwe zuva akambomubata pahuro achida kumucheka naro akamuti anamate munamato wake wekupedzisira apo akazonunurwa nevavakidzani.

Lillian Custom akaendesa murume wake, John Custom, kudare reHarare Civil Court achiti ari kumutambudza.

“Baba ava ndava kutovatya nekuti vanogara nebanga uye rimwe zuva vakatombovata naro mumagumbuze vakandibata pahuro vaine banga vakati taura mashoko ako ekupedzisira apo ndakazorandutsirwa nevavakidzani,” anodaro Lillian.

Lillian anoenderera mberi: “Baba ava vanoita chipfambi uye ndikavabvunza vanotondirova.” Lillian anotiwo rimwe zuva John akamuzvindikita akamutsikirira pasi izvo zvakaita kuti akuvare pahuro nemapendekete.

“Huro yangu yave kugara ichirwadza nekutsikwa uye izvozvi handichagone kutakura zvinhu nekuti mapendekete angu anotorwadza. Anondirova kunyangwe ndikatuma mwana chaiye, hanzi hauna mvumo yekumutuma, ndini baba,” anodaro Lillian.

John anopikisana nemashoko aya achiti iye anoda mukadzi wake chaizvo kunyangwe zvazvo vachimbonetsana.

“Mukadzi wangu ndinomuda kunyangwe tichimbonetsana hedu. Apa ave kunyepa achida kunzwirwa tsitsi nedare. Ini ndinofarira kuverenga husiku saka ndinenge ndichinwa tii uye banga ndinenge ndichizoresa jamu kwete kuda kumuvhiya naro. Saka musi waari kuti ndakaisa banga mumachira rakadonha iye achibva afunga kuti ndinoda kumuurauya sezvo taigara tichinetsana,” anodaro.

Anoti zvakare Lillian ndiye anotanga kuita zvemhirizhonga.

“Amai ava ndivo vane mhirizhonga, izvozvi vane runhare rwangu akarwutora nekuti ainge aona mameseji eshamwarikadzi yangu asi ini foni iyi ndinoishandisa zvebasa uye zvinhu zvangu zvinonyanyotengwa nevakadzi saka ngaandipe foni yangu,” anodaro John.

Lillian anobva amugamha achiti nharembozha yaJohn anoda kuishandisa seumboo kudare High Court uko vari kugurisa muchato achiti murume wake ane vamwe vakadzi vanonwe vaanodanana navo.

“Foni yake ndinayo uye ndinoda kuishandisa seumboo kuHigh Court apo tichanogurisa muchato. Ane vakadzi vanomwe, ndakatomborohwa nemumwe wacho ndiine mimba ikabva,” anodaro.

Mutongi Amanda Muridzo akati Lillian ape John nharembozha yake uye ndokumupawo gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey